RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ezekieri 9
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEzekieri

      • Varume 6 vanouraya; uye murume ane nyanga yeingi (1-11)

        • Kutonga kuchatangira panzvimbo tsvene (6)

Ezekieri 9:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 172-173

Ezekieri 9:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mudziyo wekuisira ingi wemunyori.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 20:2; Eze 8:3
  • +2Mak 4:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 173, 175, 238

    Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa,

    6/2017, p. 6

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 14

Ezekieri 9:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, pamusuo panotsikwa nevanhu kana vachipinda mumba.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 3:23; 8:3, 4; 11:22
  • +Eze 10:4

Ezekieri 9:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 119:53; 2Pe 2:7, 8
  • +Eze 5:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 173-175, 178-180

    Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa,

    6/2017, p. 6

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    6/2016, pp. 16-17

    Nharireyomurindi,

    7/15/2008, pp. 5-6

    9/15/1988, p. 14

    Namata Mwari, p. 124

    Zivo, p. 180

    Vazivisi, p. 165

    Kupukunyuka, pp. 93-97

Ezekieri 9:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:26, 27; Eze 7:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 174-175, 180

Ezekieri 9:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:17
  • +Eks 12:23; Jos 2:17-19; Zva 9:4
  • +2Mad 25:18, 21; Jer 25:29
  • +Eze 8:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 174-175, 179-180

Ezekieri 9:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mari 2:21

Ezekieri 9:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 18:23; Eze 11:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, p. 176

Ezekieri 9:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:14; Isa 1:4
  • +2Mad 21:16; Jer 2:34; Mt 23:30
  • +Eze 22:29
  • +Isa 29:15; Eze 8:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, p. 176

Ezekieri 9:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 5:11; 7:4

Ezekieri 9:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/1/1988, p. 29

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Ezek. 9:2Jer 20:2; Eze 8:3
Ezek. 9:22Mak 4:1
Ezek. 9:3Eze 3:23; 8:3, 4; 11:22
Ezek. 9:3Eze 10:4
Ezek. 9:4Pis 119:53; 2Pe 2:7, 8
Ezek. 9:4Eze 5:11
Ezek. 9:5Eks 32:26, 27; Eze 7:4
Ezek. 9:62Mak 36:17
Ezek. 9:6Eks 12:23; Jos 2:17-19; Zva 9:4
Ezek. 9:62Mad 25:18, 21; Jer 25:29
Ezek. 9:6Eze 8:11
Ezek. 9:7Mari 2:21
Ezek. 9:8Ge 18:23; Eze 11:13
Ezek. 9:92Mak 36:14; Isa 1:4
Ezek. 9:92Mad 21:16; Jer 2:34; Mt 23:30
Ezek. 9:9Eze 22:29
Ezek. 9:9Isa 29:15; Eze 8:12
Ezek. 9:10Eze 5:11; 7:4
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ezekieri 9:1-11

Ezekieri

9 Akabva ashevedzera nenzwi guru ini ndichinzwa, achiti: “Shevedzai vaya vacharanga guta, mumwe nemumwe auye nechombo chake chekuparadza muruoko rwake!”

2 Ndakaona varume 6 vachibva nechekugedhi rekumusoro+ rakatarisa kuchamhembe, mumwe nemumwe akabata chombo chekuputsa nacho; uye pakati pavo paiva nemumwe murume akanga akapfeka nguo yejira, aine nyanga yeingi yemunyori* muchiuno make, uye vakapinda, vakamira pedyo neatari yemhangura.+

3 Kubwinya kwaMwari waIsraeri+ kwakabva kwasimuka pamusoro pemakerubhi pakwakanga kuri, kukaenda pachidimbati* chepasuo reimba yacho,+ uye akatanga kushevedzera kumurume akanga akapfeka nguo yejira, aiva nenyanga yeingi yemunyori muchiuno make. 4 Jehovha akati kwaari: “Pfuura nemuguta, imo muJerusarema, uise chiratidzo pahuma dzevanhu vari kuchema nekugomera+ pamusoro pezvinhu zvese zvinosemesa zviri kuitwa muguta.”+

5 Uye akati kune vamwe ini ndichinzwa: “Pfuurai nemuguta muchimutevera, muuraye. Ziso renyu ngarirege kunzwa urombo, uye musambonzwa tsitsi.+ 6 Munofanira kuuraya vese, harahwa, jaya, mhandara, mwana mudiki, nevakadzi.+ Asi musaswedera pedyo nemunhu wese ane chiratidzo.+ Munofanira kutangira panzvimbo yangu tsvene.”+ Saka vakatanga nevakuru vaiva pamberi peimba yacho.+ 7 Akabva ati kwavari: “Svibisai imba yacho, muzadze zvivanze nevanenge vaurayiwa!+ Endai!” Saka vakaenda vakauraya vanhu muguta.

8 Pavakanga vachivauraya, ini ndega ndini ndakasiyiwa, uye ndakapfugama, ndikadzikisa musoro wangu, ndikashevedzera ndichiti: “Maiwee, Changamire Ishe Jehovha! Pamuri kudurura hasha dzenyu paJerusarema muchaparadza vaIsraeri vese vakasara here?”+

9 Saka akati kwandiri: “Kukanganisa kweimba yaIsraeri neyaJudha kwakakura zvisingaiti.+ Nyika yazadzwa nekudeura ropa,+ uye guta razara neuori.+ Nekuti vari kuti, ‘Jehovha abva munyika, uye Jehovha haasi kuona.’+ 10 Asi ini, ziso rangu harizonzwi urombo; uye handizonzwi tsitsi.+ Ndichaunza pamisoro yavo zvinoenderana nezvavakaita.”

11 Ndakabva ndaona murume uya akanga akapfeka nguo yejira aine nyanga yeingi muchiuno make achidzoka neshoko rekuti: “Ndaita zvese zvamandirayira.”

Mabhuku eChiShona (1973-2022)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe