RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dhanieri 2
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku Dhanieri

      • Mambo Nebhukadhinezari anorota hope dzinomunetsa (1-4)

      • Varume vese vakachenjera vanotadza kududzira hope dzacho (5-13)

      • Dhanieri anokumbira kubatsirwa naMwari (14-18)

      • Mwari anorumbidzwa nekuzivisa zvakavanzika (19-23)

      • Dhanieri anoudza mambo hope dzacho (24-35)

      • Kududzirwa kwehope dzacho (36-45)

        • Dombo rinomiririra umambo rinopwanya chifananidzo (44, 45)

      • Dhanieri anokudzwa namambo (46-49)

Dhanieri 2:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 4:4, 5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/1/2007, p. 18

    “Rugwaro Rwose,” pp. 139-140

Dhanieri 2:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, vanhu vaiva neunyanzvi hwekushopera nekududzira nyeredzi.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 4:6, 7; 5:7, 8

Dhanieri 2:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiAramaiki ndicho chakatanga kushandiswa pakanyorwa Dha 2:4b kusvika ku7:28.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 18:26; Ezr 4:7; Isa 36:11

Dhanieri 2:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “nzvimbo dzinorasirwa marara; mirwi yendove.”

Dhanieri 2:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 2:48; 5:16, 29

Dhanieri 2:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 2:24

Dhanieri 2:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 2:9

Dhanieri 2:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 2:28

Dhanieri 2:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 29:11; Job 12:13; Pis 147:5; Jer 32:17-19

Dhanieri 2:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 1:7
  • +1Sa 2:7, 8; Pis 75:7; Jer 27:5; Dha 4:17
  • +Zvi 2:6; Mup 2:26; Jak 1:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1998, pp. 11-12

Dhanieri 2:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 33:3; 1VaK 2:10
  • +Pis 139:12; VaH 4:13
  • +Pis 36:9; 112:4

Dhanieri 2:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 1:17; 2:28

Dhanieri 2:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 2:12, 14

Dhanieri 2:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 1:3, 6

Dhanieri 2:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 1:7
  • +Ge 41:15

Dhanieri 2:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 2:10, 11

Dhanieri 2:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 40:8; Dha 1:17

Dhanieri 2:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 2:47

Dhanieri 2:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 2:37, 38; 7:4
  • +Dha 5:28; 7:5; 8:3, 20
  • +Dha 2:39; 7:6; 8:5, 21

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 142

Dhanieri 2:33

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti, “ivhu rakaumbwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 7:7, 19
  • +Dha 2:40-42

Dhanieri 2:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 2:44, 45

Dhanieri 2:35

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Dhanieri 2:37

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 28:14; Dha 5:18

Dhanieri 2:38

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 27:5-7
  • +Dha 2:32; 4:20-22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 142

Dhanieri 2:39

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 45:1; Jer 51:28, 29; Dha 5:28
  • +Dha 7:6; 8:5, 21; 11:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/1/2007, p. 18

Dhanieri 2:40

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 2:33; 7:19, 23
  • +Dha 7:7

Dhanieri 2:41

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/2012, pp. 15-16

Dhanieri 2:42

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/2012, pp. 16, 19

Dhanieri 2:43

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/2012, pp. 16, 19

Dhanieri 2:44

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 49:10; Pis 2:6; Mt 6:10; Ru 22:29; Joh 18:36; Zva 11:15; 20:6
  • +2Sa 7:13; Isa 9:7; Dha 7:13, 14
  • +Dha 4:17; 7:27
  • +Pis 2:7-9; 110:5, 6; Zva 19:15
  • +Dha 4:34; Ru 1:31-33

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Bhuku, chidzidzo 31

    Rinotidzidzisei?, pp. 87-88

    Bhaibheri Rinombodzidzisei, p. 81

    Nharireyomurindi,

    9/15/2012, p. 7

    8/15/2012, p. 30

    6/15/2012, p. 17

    10/15/2001, p. 6

    Mukai!,

    7/2011, pp. 18-19

    Namata Mwari, p. 91

    Vazivisi, p. 138

    Donzo Roupenyu, pp. 26-27

    “Rugwaro Rwose,” p. 142

    Mwari Anoitira Hanya, p. 23

Dhanieri 2:45

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 2:34, 35
  • +Ge 41:28; Dha 2:28

Dhanieri 2:47

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 41:39; Dha 1:17; 2:28; 4:9

Dhanieri 2:48

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 2:6; 5:16, 29

Dhanieri 2:49

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 1:7

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Dhan. 2:1Dha 4:4, 5
Dhan. 2:2Dha 4:6, 7; 5:7, 8
Dhan. 2:42Mad 18:26; Ezr 4:7; Isa 36:11
Dhan. 2:6Dha 2:48; 5:16, 29
Dhan. 2:12Dha 2:24
Dhan. 2:15Dha 2:9
Dhan. 2:19Dha 2:28
Dhan. 2:201Mak 29:11; Job 12:13; Pis 147:5; Jer 32:17-19
Dhan. 2:21Mab 1:7
Dhan. 2:211Sa 2:7, 8; Pis 75:7; Jer 27:5; Dha 4:17
Dhan. 2:21Zvi 2:6; Mup 2:26; Jak 1:5
Dhan. 2:22Jer 33:3; 1VaK 2:10
Dhan. 2:22Pis 139:12; VaH 4:13
Dhan. 2:22Pis 36:9; 112:4
Dhan. 2:23Dha 1:17; 2:28
Dhan. 2:24Dha 2:12, 14
Dhan. 2:25Dha 1:3, 6
Dhan. 2:26Dha 1:7
Dhan. 2:26Ge 41:15
Dhan. 2:27Dha 2:10, 11
Dhan. 2:28Ge 40:8; Dha 1:17
Dhan. 2:30Dha 2:47
Dhan. 2:32Dha 2:37, 38; 7:4
Dhan. 2:32Dha 5:28; 7:5; 8:3, 20
Dhan. 2:32Dha 2:39; 7:6; 8:5, 21
Dhan. 2:33Dha 7:7, 19
Dhan. 2:33Dha 2:40-42
Dhan. 2:34Dha 2:44, 45
Dhan. 2:37Jer 28:14; Dha 5:18
Dhan. 2:38Jer 27:5-7
Dhan. 2:38Dha 2:32; 4:20-22
Dhan. 2:39Isa 45:1; Jer 51:28, 29; Dha 5:28
Dhan. 2:39Dha 7:6; 8:5, 21; 11:3
Dhan. 2:40Dha 2:33; 7:19, 23
Dhan. 2:40Dha 7:7
Dhan. 2:44Ge 49:10; Pis 2:6; Mt 6:10; Ru 22:29; Joh 18:36; Zva 11:15; 20:6
Dhan. 2:442Sa 7:13; Isa 9:7; Dha 7:13, 14
Dhan. 2:44Dha 4:17; 7:27
Dhan. 2:44Pis 2:7-9; 110:5, 6; Zva 19:15
Dhan. 2:44Dha 4:34; Ru 1:31-33
Dhan. 2:45Dha 2:34, 35
Dhan. 2:45Ge 41:28; Dha 2:28
Dhan. 2:47Ge 41:39; Dha 1:17; 2:28; 4:9
Dhan. 2:48Dha 2:6; 5:16, 29
Dhan. 2:49Dha 1:7
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
  • 44
  • 45
  • 46
  • 47
  • 48
  • 49
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Dhanieri 2:1-49

Dhanieri

2 Mugore rechipiri rekutonga kwaNebhukadhinezari, Nebhukadhinezari ane hope dzaakarota; uye akanetseka chaizvo+ zvekuti akatadza kurara. 2 Saka mambo akaita kuti vapristi vese vaiita zvemashiripiti nen’anga nevanofembera nevaKadheya* vashevedzwe, kuti vamuudze zvaakarota. Vakabva vapinda, vakamira pamberi pamambo.+ 3 Mambo akabva ati kwavari: “Pane hope dzandarota, uye ndiri kunetseka chaizvo nekuti ndiri kutadza kuziva hope dzacho.” 4 VaKadheya vacho vakapindura mambo nemutauro wechiAramaiki,*+ vachiti: “Raramai nekusingaperi imi mambo. Udzai varanda venyu hope dzacho, uye tichadzidudzira.”

5 Mambo akapindura vaKadheya vacho, achiti: “Izvi ndizvo zvandasarudza: Kana mukasandiudza hope dzacho nekududzirwa kwadzo, muchagurwa-gurwa, uye dzimba dzenyu dzichaitwa zvimbuzi zvevanhu vese.* 6 Asi kana mukataura hope dzacho nekududzirwa kwadzo, ndichakupai zvipo nemubayiro nekukudzwa kukuru.+ Saka ndiudzei hope dzacho nezvadzinoreva.”

7 Vakapindura kechipiri vachiti: “Mambo ngaaudze vashandi vake hope dzacho, uye tichadzidudzira.”

8 Mambo akavapindura kuti: “Ndiri kuzviziva kuti muri kuda kuwana nguva yekuronga mazano, nekuti muri kuziva zvandasarudza. 9 Kana mukasandiudza hope dzacho, mutongo wenyu mese ndiwoyo mumwe chete, hauchinji. Muri kufurirana kundinyepera muchindibata kumeso, muchifunga kuti ndichachinja pfungwa. Ndiudzei hope dzacho, uye ndichaziva kuti munogona kudzidudzira.”

10 VaKadheya vacho vakapindura mambo vachiti: “Panyika hapana munhu anokwanisa kuita zvataurwa namambo, nekuti hapana mambo ane simba kana gavhuna akambokumbira mupristi anoita zvemashiripiti zvinhu zvakadai kana n’anga kana muKadheya. 11 Mambo ari kukumbira zvinhu zvakaoma uye hapana anogona kuudza mambo zvinhu izvozvo kunze kwavanamwari vasingagari nevanhu.”

12 Mambo akabva ashatirwa uye akarayira kuti varume vese vakachenjera veBhabhironi vaurayiwe.+ 13 Murayiro wacho pawakapiwa uye pavakanga vava kuda kuuraya varume vacho vakachenjera, vakabva vatsvagawo Dhanieri neshamwari dzake kuti vaurayiwe.

14 Panguva iyoyo Dhanieri akataura zvakanaka naArioki achingwarira mashoko ake. Arioki aiva mukuru wevarindi vamambo, uye ndiye akanga aenda kunouraya varume vakachenjera veBhabhironi. 15 Akabvunza Arioki, mushandi wamambo kuti: “Mambo apirei murayiro wakaoma kudai?” Arioki akabva audza Dhanieri nyaya yacho.+ 16 Saka Dhanieri akapinda maiva namambo akamukumbira kuti amupe nguva yekumuudza zvairehwa nehope dzacho.

17 Dhanieri akabva aenda kumba kwake, akaudza shamwari dzake Hananiya, Mishaeri, naAzariya nyaya yacho. 18 Akavaudza kuti vanyengetere kuna Mwari wekudenga vachikumbira kuti avanzwire nyasha ovaudza hope dzacho, kuti iye Dhanieri neshamwari dzake varege kuurayiwa pamwe chete nevarume vese vakachenjera veBhabhironi.

19 Dhanieri akabva aratidzwa hope dzacho usiku.+ Saka Dhanieri akarumbidza Mwari wekudenga. 20 Dhanieri akati:

“Zita raMwari ngarirumbidzwe nariini nariini,

Nekuti ndiye ega ane uchenjeri nesimba.+

21 Anochinja nguva nemwaka,+

Achibvisa madzimambo nekugadza madzimambo,+

Uye anopa uchenjeri kune vakachenjera neruzivo kune vakangwara.+

22 Anozivisa zvinhu zvakadzama nezvakavanzika,+

Anoziva zviri murima,+

Uye kwaari kune chiedza.+

23 Ndinokutendai uye ndinokurumbidzai imi Mwari wemadzitateguru angu,

Nekuti makandipa uchenjeri nesimba.

Uye iye zvino maita kuti ndizive zvatakakukumbirai;

Maita kuti tizive nyaya iri kunetsa mambo.”+

24 Dhanieri akabva apinda maiva naArioki, uyo akanga asarudzwa namambo kuti auraye varume vakachenjera veBhabhironi,+ akati kwaari: “Musauraya varume vakachenjera veBhabhironi. Ndiendesei kuna mambo uye ndichamuudza kuti hope dzake dzinorevei.”

25 Arioki akabva angoenda naDhanieri kuna mambo akati kwaari: “Ndawana mumwe murume panhapwa dzechiJudha+ anogona kuudza mambo kuti hope dzake dzinorevei.” 26 Mambo akati kuna Dhanieri, uyo ainziwo Bheteshazari:+ “Une chokwadi here kuti unogona kundiudza hope dzandakarota nezvadzinoreva?”+ 27 Dhanieri akabva ati kuna mambo: “Hapana murume akachenjera, kana n’anga, kana mupristi anoita zvemashiripiti, kana muzivi wenyeredzi anokwanisa kuudza mambo zvinhu zvakavanzika zvaari kuda kuziva.+ 28 Asi kuna Mwari ari kudenga anozivisa zvakavanzika,+ uye aita kuti Mambo Nebhukadhinezari azive zvichaitika mumazuva ekupedzisira. Hope dzenyu nezvamakaratidzwa makarara pamubhedha wenyu ndeizvi:

29 “Imi mambo, pamainge makarara pamubhedha wenyu, makarota zvinhu zvichaitika mune ramangwana, uye Muzivisi wezvakavanzika aita kuti muzive zvichaitika. 30 Kuziviswa kwandaitwa zvinhu izvi hakurevi kuti ndakachenjera kupfuura vanhu vese; asi ndazviziviswa kuti mambo azive kuti hope dzake dzinorevei, kuti muzive zviri mumwoyo menyu.+

31 “Imi mambo makanga makatarisa, uye makaona chifananidzo chakakura kwazvo. Chifananidzo chacho chainge chakamira pamberi penyu, chichipenya kwazvo uye chakanga chakakura, chichityisa kwazvo. 32 Musoro wechifananidzo chacho waiva wegoridhe+ rakanatswa, chipfuva chacho nemaoko acho zvaiva zvesirivha,+ dumbu racho nezvidya zvacho zvaiva zvemhangura,+ 33 makumbo acho aiva esimbi,+ uye tsoka dzacho dzaiti pamwe isimbi uye pamwe ivhu.*+ 34 Makaramba makatarisa kusvikira maona dombo richibviswa pagomo, asi zvisingaitwi nemaoko, rikanorova chifananidzo chacho kutsoka dzacho dzesimbi nevhu, rikadziparadza.+ 35 Panguva iyoyo simbi yacho, nevhu, nemhangura, nesirivha, negoridhe, zvakakuyiwa zvikaita sehundi inobva paburiro* munguva yekupisa, uye zvakatakurwa nemhepo zvekuti hazvina kuzombowanikazve. Asi dombo rainge rarova chifananidzo chacho rakava gomo guru, rikazadza nyika yese.

36 “Idzi ndidzo hope dzamakarota, uye pari zvino tava kuda kuudza mambo zvadzinoreva. 37 Imi mambo wemadzimambo, uyo akapiwa umambo,+ nesimba, neukuru, nekukudzwa naMwari wekudenga, 38 uye akapiwa vanhu vari kwese kwese, nemhuka dzesango neshiri dzedenga, uye akagadzwa kuti azvitonge zvese,+ imi ndimi musoro wegoridhe.+

39 “Asi pashure penyu pachauya humwe umambo+ hwakaderera kwamuri; kwozouya humwe umambo hwechitatu, hwemhangura, huchatonga nyika yese.+

40 “Asi umambo hwechina huchange hwakasimba sesimbi.+ Sezvinoita simbi inoputsa nekuparadza zvinhu zvese, umambo hwacho huchapwanya nekuparadza umambo hwese uhwu.+

41 “Zvamakaona tsoka nezvigunwe zvaiti pamwe ivhu remuumbi uye pamwe pacho isimbi, umambo hwacho huchange husina kubatana, asi huchange huine pamwe pahwakaoma sesimbi, sezvakaita simbi yamakaona yakasangana nevhu. 42 Zvigunwe zvetsoka zvazvaiti apa isimbi uye pamwe pacho ivhu, umambo hwacho huchava nepamwe pakasimba nepamwe pasina kusimba. 43 Zvamakaona simbi yakasangana nevhu remuumbi, zvikamu zveumambo hwacho zvichange zvakasangana nevanhu; asi hazvizobatani, sezvinoita simbi iyo isingabatani nevhu.

44 “Mumazuva emadzimambo iwayo, Mwari wekudenga achaita kuti pave neumambo+ husingazomboparadzwi.+ Umambo hwacho hahuzosiyirwi vamwe vanhu.+ Huchapwanya, hwogumisa umambo hwese uhwu,+ uye ndihwo hwega hucharamba huripo nekusingaperi.+ 45 Zvichangoita sedombo ramakaona richibviswa pagomo asi zvisingaitwi nemaoko, rikanokuya simbi yacho, nemhangura, nevhu, nesirivha, negoridhe.+ Mwari Mukuru aita kuti mambo azive zvichaitika mune ramangwana.+ Hope dzacho ndedzechokwadi, uye dzichaitika sekududzirwa kwadzaitwa.”

46 Mambo Nebhukadhinezari akabva apfugama pamberi paDhanieri, akadzikisa musoro wake achimuremekedza. Uye akarayira kuti apiwe chipo nerusenzi. 47 Mambo akati kuna Dhanieri: “Chokwadi Mwari wenyu ndiMwari wavanamwari naIshe wemadzimambo neMuzivisi wezvakavanzika, nekuti wagona kuzivisa zvinhu izvi zvakavanzika.”+ 48 Mambo akakwidziridza Dhanieri, akamupa zvipo zvakawanda, akamugadza kuti ave mutongi wedunhu rese reBhabhironi+ uye kuti ave mukuru wemakurukota ehurumende anotungamirira varume vese vakachenjera veBhabhironi. 49 Mambo akagadza Shadreki, Misheki, naAbhedhinego+ kuti vatungamirire dunhu reBhabhironi sezvakanga zvakumbirwa naDhanieri, asi Dhanieri aishandira mumuzinda wamambo.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe