Zekariya
10 “Kumbirai Jehovha kuti akunayisirei mvura panguva yemasutso.*
Jehovha ndiye anoita kuti pave nemakore emvura ine dutu,
Ndiye anovanayisira mvura,+
Uye ndiye anopa vese zvinomera mumunda.
Vanotaura hope dzenhema,
Uye vanoedza kunyaradza asi hazvibatsiri.
Ndokusaka vachadzungaira semakwai.
Vachatambudzika, nekuti hapana mufudzi.
3 Ndakatsamwira vafudzi kwazvo,
Uye ndichatonga vatungamiriri vane udzvinyiriri;*
Nekuti Jehovha wemauto afunga makwai ake,+ iyo imba yaJudha,
Uye aita kuti vaite sebhiza rake rinodadisa muhondo.
4 Kwaari ndiko kunobva mutungamiriri,*
Kwaari ndiko kunobva mutongi* anomutsigira,
Kwaari ndiko kunobva uta hwehondo;
Kwaari ndiko kunobva vatariri vese;* vese zvavo vanobva kwaari.
5 Vachaita sevarwi vane simba,
Vachitsika-tsika matope emumigwagwa muhondo.
Ndichavadzosa,
Nekuti ndichavanzwira tsitsi;+
Uye vachaita sevanhu vandisina kumbobvira ndarasa;+
Nekuti ndini Jehovha Mwari wavo, uye ndichavapindura.
Vanakomana vavo vachazviona vofara;
Mwoyo yavo ichafara muna Jehovha.+
8 ‘Ndichavaridzira muridzo ndovaunganidza;
Nekuti ndichavadzikinura,+ uye vachava vazhinji,
Voramba vachiwanda.
9 Kunyange ndichivamwaya pakati pemarudzi sembeu,
Vachandiyeuka vari kunzvimbo dziri kure;
Ivo nevanakomana vavo vachavazve nesimba, vodzoka.
10 Ndichavadzosa kubva kunyika yeIjipiti
Uye ndichavaunganidza kubva kuAsiriya;+
Ndichavaunza munyika yeGiriyedhi+ neRebhanoni,
Uye vachange vasisina nzvimbo inovakwanira.+
11 Anofanira kupfuura nemugungwa, oritambudza;
Uye acharova mafungu mugungwa;+
Mvura yakadzika iri muna Nire ichaoma.
Asiriya inozvikudza ichaninipiswa,
Uye tsvimbo yeumambo yeIjipiti ichabva.+