RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 VaKorinde 1
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 VaKorinde

      • Kwaziso (1-3)

      • Pauro anotenda Mwari nekuda kwevaKorinde (4-9)

      • Kukurudzirwa kubatana (10-17)

      • Kristu, simba uye uchenjeri hwaMwari (18-25)

      • Kuzvirumbidza muna Jehovha chete (26-31)

1 VaKorinde 1:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 9:15

1 VaKorinde 1:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 18:1
  • +1VaK 6:11; VaH 9:13, 14
  • +Mt 12:18, 21; Mab 4:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    12/15/1994, pp. 23-25

1 VaKorinde 1:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaK 1:9

1 VaKorinde 1:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 18:5

1 VaKorinde 1:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ru 17:29, 30; 2VaT 1:7; 1Pe 1:7

1 VaKorinde 1:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 4:5; 5:5; Zva 1:10

1 VaKorinde 1:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “muwadzane.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 7:9

1 VaKorinde 1:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaR 16:17
  • +VaR 15:5, 6; 2VaK 13:11; VaE 4:1, 3; VaF 2:2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Mukai!,

    5/8/2003, pp. 21-22

    Vazivisi, p. 232

    Kukurukurirana, p. 55

1 VaKorinde 1:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/1997, p. 29

    10/15/1989, p. 15

1 VaKorinde 1:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Anonziwo Petro.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 18:24; 1VaK 3:4, 5, 21-23

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/1/1996, pp. 21-22

1 VaKorinde 1:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 211

1 VaKorinde 1:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 18:8
  • +VaR 16:23

1 VaKorinde 1:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 16:15

1 VaKorinde 1:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 9:15

1 VaKorinde 1:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 17:18; 1VaK 2:14
  • +VaR 1:16

1 VaKorinde 1:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 29:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1992, pp. 21-24

1 VaKorinde 1:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, nyanzvi yeMutemo.

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1992, pp. 19-20

    Kukurukurirana, p. 390

1 VaKorinde 1:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ru 10:21
  • +VaK 2:8
  • +1VaK 2:14; 3:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/15/2008, p. 26

    9/15/1992, pp. 19-24

1 VaKorinde 1:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 12:38; Ru 11:29

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1992, pp. 22-23

1 VaKorinde 1:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 17:32

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/1/2012, p. 23

    8/15/2010, p. 4

    6/15/2003, p. 6

    6/15/1999, p. 30

1 VaKorinde 1:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaK 2:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/2015, pp. 3-7

    10/1/1990, p. 20

    Swedera Pedyo naJehovha, pp. 87-96

1 VaKorinde 1:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2VaK 13:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kukurukurirana, p. 390

1 VaKorinde 1:26

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vanobva mumhuri dzinokudzwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 4:13
  • +Joh 7:48; Jak 2:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/1994, pp. 12-13

    7/1/1988, pp. 28-29

    Vazivisi, pp. 547-548

1 VaKorinde 1:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 11:25

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/2014, p. 24

    8/15/1994, pp. 12-13

    7/1/1988, pp. 28-29

    Vazivisi, pp. 547-548

1 VaKorinde 1:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 2:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Vazivisi, pp. 547-548

    Nharireyomurindi,

    7/1/1988, pp. 28-29

1 VaKorinde 1:29

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Vazivisi, pp. 547-548

    Nharireyomurindi,

    9/15/1992, p. 22

1 VaKorinde 1:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaR 10:4; 2VaK 5:21
  • +Joh 17:19; VaH 10:10
  • +VaR 3:24; VaK 1:13, 14

1 VaKorinde 1:31

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 9:24; 2VaK 10:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/15/2005, p. 13

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 VaK. 1:1Mab 9:15
1 VaK. 1:2Mab 18:1
1 VaK. 1:21VaK 6:11; VaH 9:13, 14
1 VaK. 1:2Mt 12:18, 21; Mab 4:12
1 VaK. 1:5VaK 1:9
1 VaK. 1:6Mab 18:5
1 VaK. 1:7Ru 17:29, 30; 2VaT 1:7; 1Pe 1:7
1 VaK. 1:81VaK 4:5; 5:5; Zva 1:10
1 VaK. 1:9Dhe 7:9
1 VaK. 1:10VaR 15:5, 6; 2VaK 13:11; VaE 4:1, 3; VaF 2:2
1 VaK. 1:10VaR 16:17
1 VaK. 1:12Mab 18:24; 1VaK 3:4, 5, 21-23
1 VaK. 1:14Mab 18:8
1 VaK. 1:14VaR 16:23
1 VaK. 1:161VaK 16:15
1 VaK. 1:17Mab 9:15
1 VaK. 1:18Mab 17:18; 1VaK 2:14
1 VaK. 1:18VaR 1:16
1 VaK. 1:19Isa 29:14
1 VaK. 1:21Ru 10:21
1 VaK. 1:21VaK 2:8
1 VaK. 1:211VaK 2:14; 3:18
1 VaK. 1:22Mt 12:38; Ru 11:29
1 VaK. 1:23Mab 17:32
1 VaK. 1:24VaK 2:3
1 VaK. 1:252VaK 13:4
1 VaK. 1:26Mab 4:13
1 VaK. 1:26Joh 7:48; Jak 2:5
1 VaK. 1:27Mt 11:25
1 VaK. 1:281VaK 2:6
1 VaK. 1:30VaR 10:4; 2VaK 5:21
1 VaK. 1:30Joh 17:19; VaH 10:10
1 VaK. 1:30VaR 3:24; VaK 1:13, 14
1 VaK. 1:31Jer 9:24; 2VaK 10:17
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 VaKorinde 1:1-31

Tsamba Yekutanga kuvaKorinde

1 Pauro, akadanwa kuti ave muapostora+ waKristu Jesu nekuda kwaMwari, uye Sositenesi hama yedu, 2 kuungano yaMwari iri muKorinde,+ imi makatsveneswa muri pamwe naKristu Jesu,+ makadanwa kuti muve vatsvene, pamwe nevanhu vese vari kwese kwese vari kudana pazita raShe wedu Jesu Kristu,+ Ishe wavo newedu:

3 Nyasha nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu ngazvive nemi.

4 Ndinogara ndichitenda Mwari wangu pamusoro penyu, pandinofunga nezvenyasha dzamakaratidzwa naMwari nekuna Kristu Jesu; 5 nekuti makapfumiswa maari pazvinhu zvese, pakukwanisa kunyatsotaura uye pakuva neruzivo rwakazara,+ 6 sekusimbiswa kwakaitwa uchapupu pamusoro paKristu+ pakati penyu, 7 kuti musava nechipo chamunoshayiwa pamunenge muchimirira nemwoyo wese kuratidzwa kwaShe wedu Jesu Kristu.+ 8 Iye achakusimbisaiwo kusvikira pamugumo, kuti musava nechamunopomerwa pazuva raShe wedu Jesu Kristu.+ 9 Mwari akatendeka,+ uye ndiye akakudanai kuti mubatane* neMwanakomana wake Jesu Kristu, Ishe wedu.

10 Saka ndinokukurudzirai, hama, nezita raShe wedu Jesu Kristu, kuti mese munofanira kutaura muchibvumirana uye kuti hamufaniri kupesana pakati penyu,+ asi munofanira kunyatsobatana pamafungiro enyu uye pamaonero amunoita zvinhu.+ 11 Nekuti vamwe vekwaKroe vakandizivisa nezvenyu, hama dzangu, kuti muri kunetsana pakati penyu. 12 Zvandiri kureva ndezvekuti, mumwe nemumwe wenyu anoti: “Ini ndiri waPauro,” “Ini ndiri waAporo,”+ “Ini ndiri waKefasi,”* “Ini ndiri waKristu.” 13 Kristu akakamurwa-kamurwa here? Ko Pauro akakufirai padanda here? Kana kuti makabhabhatidzwa muzita raPauro here? 14 Ndinotenda Mwari kuti hapana mumwe wenyu wandakabhabhatidza kunze kwaKrispo+ naGayo,+ 15 saka hapana angati akabhabhatidzwa muzita rangu. 16 Ichokwadi kuti ndakabhabhatidzawo imba yaStefanasi.+ Asi vamwe vese handizivi kana paine mumwezve wandakabhabhatidza. 17 Nekuti Kristu haana kundituma kunobhabhatidza asi kunozivisa mashoko akanaka,+ kwete nekutaura kweuchenjeri, kuti danda rekutambudzirwa* raKristu rirege kuzoonekwa serisingabatsiri.

18 Nekuti kutaura nezvedanda rekutambudzirwa* upenzi kune vaya vari kuparara,+ asi kwatiri vari kuponeswa, isimba raMwari.+ 19 Nekuti zvakanyorwa kuti: “Ndichaita kuti uchenjeri hwevanhu vakachenjera huparare, uye ndicharamba ungwaru hwevanhu vane pfungwa dzakapinza.”+ 20 Munhu akachenjera ari kupi? Munyori* ari kupi? Munhu ane nharo wenyika ino ari kupi? Mwari haana kuita kuti uchenjeri hwenyika ino huve upenzi here? 21 Nekuti kunyange zvazvo nyika yakatadza kusvika pakuziva Mwari+ neuchenjeri hwayo,+ Mwari neuchenjeri hwake akaona zvakanaka kuti ashandise upenzi+ hunoparidzwa kuti aponese vaya vanotenda.

22 Nekuti vaJudha vanokumbira zviratidzo+ uye vaGiriki vanotsvaga uchenjeri; 23 asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa padanda, uye vaJudha vanogumburwa nazvo, mamwe marudzi achizviona seupenzi.+ 24 Asi Kristu isimba raMwari neuchenjeri hwaMwari+ kuvaya vakadanwa, vangava vaJudha kana vaGiriki. 25 Nekuti chinhu chaMwari chinonzi ndecheupenzi chakachenjera kupfuura vanhu, uye chinhu chaMwari chinonzi hachina simba chakasimba kupfuura vanhu.+

26 Nekuti hama, muri kuona pakukudanai kwaakaita, kuti havasi vazhinji vakachenjera panyama,+ havasi vazhinji vane simba, havasi vazhinji veimba huru,*+ 27 asi Mwari akasarudza zvinhu zveupenzi zvenyika kuti anyadzise vanhu vakachenjera; uye Mwari akasarudza zvinhu zvisina simba zvenyika kuti anyadzise zvinhu zvakasimba;+ 28 uye Mwari akasarudza zvinhu zvisingakoshi zvenyika nezvinhu zvinotarisirwa pasi, zvinhu zvisipo, kuti aparadze zvinhu zviripo,+ 29 kuti parege kuva nemunhu angazvirumbidza pamberi paMwari. 30 Asi ndiye akaita kuti muve pamwe naKristu Jesu, uyo azova kwatiri uchenjeri hunobva kuna Mwari, uyewo kururama+ neutsvene+ nekusunungurwa nerudzikinuro,+ 31 kuti zvive sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Jehovha.”*+

Mabhuku eChiShona (1973-2022)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe