Tsamba Yekutanga kuvaKorinde
14 Rambai muchiratidza rudo, uye rambai muchivavarira kuva nezvipo* zvemweya, asi zvikurukuru dai maprofita.+ 2 Nekuti munhu anotaura nendimi haatauri nevanhu, asi naMwari, nekuti hapana anomunzwa,+ asi iye anotauriswa nemweya zvakavanzika zvitsvene.*+ 3 Asi uya anoprofita anovaka, anokurudzira uye anonyaradza vanhu nezvaanenge achitaura. 4 Munhu anotaura nendimi anozvivaka, asi munhu anoprofita anovaka ungano. 5 Ndinoda kuti mese mutaure nendimi,+ asi ndinonyanya kuda kuti muprofite.+ Chokwadi ndechekuti munhu anoprofita mukuru pane uya anotaura nendimi, kunze kwekunge achiturikira,* kuti ungano ivakwe. 6 Asi panguva ino hama, kana ndikauya kwamuri ndichitaura nendimi, ndinenge ndakubatsirai chii kunze kwekunge ndataura nemi zvandakazarurirwa+ kana kuti zvandinoziva+ kana kuti uprofita kana imwe dzidziso?
7 Zvakangofanana nezvinhu zvisina upenyu zvinorira, ingava nyere* kana chiridzwa chine tambo. Kana nyere kana kuti chiridzwa chine tambo chichiridzwa chisingakwidzwi nekuderedzwa, munhu angaziva sei chiri kuridzwa? 8 Nekuti kana bhosvo rikarira zvisina kujeka, ndiani achagadzirira kunorwa? 9 Saka kana imiwo mukataura zvisinganzwisiswi nyore, munhu angaziva sei zviri kutaurwa? Chokwadi ndechekuti munenge muchitaurira mumhepo. 10 Kungava nematauriro akawanda munyika, asi hapana matauriro asina zvaanoreva. 11 Nekuti kana ndisiri kunzwisisa zviri kutaurwa, ndinenge ndava mutorwa* kumunhu ari kutaura, uye ari kutaura anenge ava mutorwa kwandiri. 12 Saka imi sezvo muchida chaizvo kuva nezvipo zvemweya, vavarirai kuva nezvipo zvakawanda zvinovaka ungano.+
13 Saka munhu anotaura nendimi ngaanyengetere kuti akwanise kuturikira.*+ 14 Nekuti kana ndichinyengetera nendimi, chipo changu chemweya ndicho chinenge chichinyengetera, asi pfungwa dzangu hapana zvadzinenge dzichiita. 15 Saka zvinofanira kuitwa sei? Ndichanyengetera nechipo chemweya, asi ndichanyengeterawo nepfungwa dzangu. Ndichaimba rwiyo rwekurumbidza nechipo chemweya, asi ndichaimbawo rwiyo rwekurumbidza nepfungwa dzangu. 16 Ko kana ukasadaro, worumbidza nechipo chemweya, mumwe munhuwo zvake ari pakati penyu angati sei “Ameni” paunenge wanyengetera, iye asiri kunzwa zvauri kutaura? 17 Ichokwadi kuti uri kunyengetera zvakanaka, asi mumwe munhu haasi kuvakwa. 18 Ndinotenda Mwari kuti ndinotaura nendimi dzakawanda kukupfuurai mese. 19 Kunyange zvakadaro, ndingasva hangu ndataura mashoko mashanu nepfungwa dzangu* muungano, kuti ndidzidzisewo vamwe, pane kutaura nendimi+ mashoko ane zviuru gumi.
20 Hama, musava vana vadiki pakunzwisisa kwenyu,+ asi ivai vana vadiki pane zvakaipa;+ uye nyatsokurai pakunzwisisa kwenyu.+ 21 MuMutemo makanyorwa kuti: “‘Ndichataura nevanhu ava nendimi dzevanhu vane mutauro wekumwe uye nemiromo yevanhu vavasingazivi, asi kunyange panguva iyoyo vacharamba kunditeerera,’ anodaro Jehovha.”*+ 22 Saka ndimi hadzisi dzechiratidzo kuvatendi asi kune vasingatendi;+ kuprofitawo hakusi kwevasingatendi, asi ndekwevanotenda. 23 Saka kana ungano yese ikaungana panzvimbo imwe chete uye vese vakatanga kutaura nendimi, vanhuwo zvavo kana kuti vasingatendi vakapinda, havangati marasika pfungwa here? 24 Asi kana mese muchiprofita uye munhu asingatendi kana kuti munhuwo zvake akapinda, achatsiurwa uye achanyatsoongororwa navo vese. 25 Zviri mumwoyo make zvinobva zvabuda pachena, zvekuti achagwadama onamata Mwari achiti: “Chokwadi Mwari ari pakati penyu.”+
26 Saka hama, zvinofanira kuitwa sei? Pamunoungana pamwe chete, mumwe ane pisarema, mumwe ane dzidziso, mumwe ane chaazarurirwa, mumwe ane chipo chekutaura nendimi, uye mumwe ane chipo chekuturikira.+ Itai zvinhu zvese kuti muvakane. 27 Uye kana paine vanotaura nendimi, havafaniri kupfuura vaviri kana vatatu, uye vanofanira kuita zvekuchinjana, paine anoturikira.*+ 28 Asi kana pasina muturikiri,* anofanira kuramba akanyarara muungano, achitaura nechemumwoyo uye naMwari. 29 Vaprofita+ vaviri kana vatatu ngavataure, uye vamwe ngavanzwisise zviri kurehwa. 30 Asi kana mumwe akava nezvaanozarurirwa paanenge akagara ipapo, wekutanga ngaanyarare. 31 Nekuti mese munogona kuprofita muchipanana mukana, kuti vese vadzidze uye vese vakurudzirwe.+ 32 Uye zvipo zvemweya zvevaprofita zvinofanira kudzorwa nevaprofita. 33 Nekuti Mwari haasi Mwari wenyonganyonga, asi ndewerugare.+
Sezvazvakangoita muungano dzese dzevatsvene, 34 vakadzi ngavarambe vakanyarara muungano, nekuti hazvibvumirwi kuti vataure.+ Asi ngavazviise pasi,+ sezvinotaurwawo neMutemo. 35 Kana vachida kudzidza chimwe chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba, nekuti zvinonyadzisa kuti mukadzi ataure muungano.
36 Shoko raMwari rakatanga nemi here, kana kuti rakangosvika kwamuri chete here?
37 Kana paine munhu anofunga kuti muprofita kana kuti ane chipo chemweya, anofanira kubvuma kuti zvinhu zvandiri kukunyorerai murayiro waShe. 38 Asi kana munhu akaramba izvi, iye acharambwawo.* 39 Saka hama dzangu, rambai muchivavarira kuprofita,+ asi musarambidza kutaura nendimi.+ 40 Asi zvinhu zvese ngazviitike nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.+