RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • VaGaratiya 1
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raVaGaratiya

      • Kwaziso (1-5)

      • Hakuna mamwe mashoko akanaka (6-9)

      • Mashoko akanaka anoparidzwa naPauro anobva kuna Mwari (10-12)

      • Kutendeuka kwaPauro uye kutanga kweushumiri hwake (13-24)

VaGaratiya 1:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 9:15; 26:15, 16
  • +Mab 22:14, 15

VaGaratiya 1:2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 217

VaGaratiya 1:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mamiriro ano ezvinhu akaipa; nyika ino yakaipa.” Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Mamiriro Ezvinhu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Jo 2:1, 2
  • +Joh 15:19
  • +1Ti 2:3, 4

VaGaratiya 1:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2VaK 11:3, 4; VaG 5:7

VaGaratiya 1:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaG 5:10

VaGaratiya 1:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaT 2:13

VaGaratiya 1:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 23:6
  • +Mab 8:3; 9:1, 2; 22:4; 26:9-11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/1999, pp. 29-31

VaGaratiya 1:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 22:3; VaF 3:4-6

VaGaratiya 1:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 15:10

VaGaratiya 1:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiGir., “nyama neropa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 9:15; VaR 11:13

VaGaratiya 1:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 9:19

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/15/2008, p. 22

    1/15/2005, pp. 28-29

VaGaratiya 1:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Anonziwo Petro.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 9:26
  • +Joh 1:42; 1VaK 15:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kupupurira Kwazvo, p. 12

    Nharireyomurindi,

    6/15/2007, pp. 15-17

VaGaratiya 1:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 13:55; Mab 12:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kupupurira Kwazvo, p. 112

    Nharireyomurindi,

    6/15/2007, pp. 16-17

VaGaratiya 1:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 9:29, 30

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/15/2000, p. 26

VaGaratiya 1:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaG 1:13
  • +Mab 8:3

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

VaG. 1:1Mab 9:15; 26:15, 16
VaG. 1:1Mab 22:14, 15
VaG. 1:41Jo 2:1, 2
VaG. 1:4Joh 15:19
VaG. 1:41Ti 2:3, 4
VaG. 1:62VaK 11:3, 4; VaG 5:7
VaG. 1:7VaG 5:10
VaG. 1:111VaT 2:13
VaG. 1:13Mab 23:6
VaG. 1:13Mab 8:3; 9:1, 2; 22:4; 26:9-11
VaG. 1:14Mab 22:3; VaF 3:4-6
VaG. 1:151VaK 15:10
VaG. 1:16Mab 9:15; VaR 11:13
VaG. 1:17Mab 9:19
VaG. 1:18Mab 9:26
VaG. 1:18Joh 1:42; 1VaK 15:5
VaG. 1:19Mt 13:55; Mab 12:17
VaG. 1:21Mab 9:29, 30
VaG. 1:23VaG 1:13
VaG. 1:23Mab 8:3
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
VaGaratiya 1:1-24

Tsamba kuvaGaratiya

1 Pauro, muapostora, asina kubva kuvanhu kana kugadzwa nemunhu, asi akagadzwa naJesu Kristu+ naMwari Baba+ vakamumutsa kuvakafa, 2 nedzimwe hama dzese dzandiinadzo. Ndinonyorera ungano dzeGaratiya:

3 Nyasha nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu ngazvive nemi. 4 Iye akazvipa kuti afire zvivi zvedu+ kuti atinunure panguva ino yakaipa*+ maererano nekuda kwaMwari wedu naBaba vedu,+ 5 avo vanofanira kukudzwa nariini nariini. Ameni.

6 Zviri kundishamisa kuti muri kukurumidza zvakadaro kubva pana iye akakudanai nenyasha dzaKristu muchibvuma rumwe rudzi rwemashoko akanaka.+ 7 Kwete kuti kune mamwe mashoko akanaka; asi kungoti kune vamwe vari kukunetsai+ vachida kutaura nepasipo mashoko akanaka pamusoro paKristu. 8 Asi kunyange isu kana ngirozi inobva kudenga ikakuzivisai zvakasiyana nezvatakakuzivisai ichiti mashoko akanaka, iyo ngaitukwe. 9 Ndinodzokorora zvandambotaura ndichiti, Kana paine ari kukuzivisai mashoko akasiyana neamakagamuchira achiti mashoko akanaka, ngaatukwe.

10 Saka ndava kuedza kunyengetedza vanhu here kana kuti Mwari? Kana kuti ndiri kuedza kufadza vanhu here? Kudai ndanga ndichiri kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu. 11 Nekuti hama, ndinoda kuti muzive kuti mashoko akanaka andakakuzivisai haana kubva kumunhu;+ 12 nekuti handina kuapiwa nemunhu, kana kuadzidziswa, asi ndakaita zvekuzarurirwa naJesu Kristu.

13 Ndinoziva kuti makanzwa zvandaimboita ndiri muchitendero chechiJudha,+ kuti ndaitambudza ungano yaMwari zvakasimba, ndichiiparadza;+ 14 uye ndakanga ndichibudirira kwazvo muchiJudha kupfuura vazhinji vezera rangu murudzi rwangu, sezvo ndaishingairira kwazvo tsika dzemadzibaba angu kuvapfuura.+ 15 Asi Mwari, uyo akandibudisa mudumbu raamai vangu, paakandidana nenyasha dzake,+ ndokufunga kuti zvakanaka 16 kuti andishandise kuratidza vanhu zvakaita Mwanakomana wake, kuti ndizivise kumamwe marudzi mashoko akanaka pamusoro pake,+ ini handina kubva ndabvunza chero mumwe munhu* nezvazvo, 17 kana kukwidza kuJerusarema kune vaya vakanditangira kuva vaapostora, asi ndakaenda kuArabhiya, ndikazodzokera kuDhamasiko.+

18 Pashure pemakore matatu ndipo pandakazokwidza kuJerusarema+ ndichishanyira Kefasi,*+ ndikagara naye mazuva 15. 19 Asi hapana kana muapostora mumwe chete wandakaona, kunze kwaJakobho+ munin’ina waShe. 20 Kana zviri zvinhu zvandiri kukunyorerai, ndinokuudzai pamberi paMwari kuti handisi kunyepa.

21 Pashure paizvozvo ndakaenda kunharaunda dzeSiriya neKirikiya.+ 22 Asi ndakanga ndisati ndava kuzivikanwa muungano dzekuJudhiya dziri pamwe naKristu. 23 Vaingoita zvekunzwa kuti: “Murume uya aimbotitambudza+ ava kuzivisa mashoko akanaka pamusoro pechitendero chaaimboparadza.”+ 24 Saka vakatanga kukudza Mwari nekuda kwangu.

Mabhuku eChiShona (1973-2022)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe