Dheuteronomi
16 “Chengeta mwedzi waAbhibhi,* wopemberera Paseka yaJehovha Mwari wako,+ nekuti Jehovha Mwari wako akakubudisa muIjipiti usiku mumwedzi waAbhibhi.+ 2 Uye unofanira kubayira chibayiro chacho chePaseka kuna Jehovha Mwari wako,+ chemakwai nembudzi nechemombe,+ munzvimbo inosarudzwa naJehovha kuti zita rake rigare.+ 3 Usachidya pamwe chete nechinhu chakaiswa mbiriso;+ kwemazuva manomwe unofanira kudya chingwa chisina mbiriso, chingwa chekutambudzika, nekuti wakabuda munyika yeIjipiti uchimhanya-mhanya.+ Chero bedzi uri mupenyu, unofanira kuita izvi kuti uyeuke zuva rawakabuda munyika yeIjipiti.+ 4 Kwemazuva manomwe, munyika yenyu yese hamufaniri kuonekwa muine mukanyiwa wakavira,+ uye nyama yese yauchabayira manheru pazuva rekutanga haifaniri kurara usiku hwese kusvikira mangwanani.+ 5 Hauzobvumirwi kubayira chibayiro chePaseka muguta rese rese pamaguta auri kupiwa naJehovha Mwari wako. 6 Asi chinofanira kubayirwa kunzvimbo inosarudzwa naJehovha Mwari wako kuti zita rake rigare. Unofanira kubayira chibayiro chacho chePaseka manheru panongovira zuva,+ kana zuva rawakabuda muIjipiti rasvika. 7 Unofanira kuchibika,+ wodyira munzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wako,+ uye mangwanani unozodzokera hako kumatende ako. 8 Kwemazuva matanhatu, unofanira kudya chingwa chisina mbiriso, uye pazuva rechinomwe pachava negungano dzvene rinoitirwa Jehovha Mwari wako. Haufaniri kuita basa.+
9 “Unofanira kuverenga mavhiki manomwe. Unofanira kutanga kuverenga mavhiki acho manomwe kubvira panotanga kupinzwa jeko muzviyo* zvisati zvakohwewa.+ 10 Unofanira kubva wapemberera Mutambo Wemavhiki unoitirwa Jehovha Mwari wako,+ uine mupiro unobva muruoko rwako wekungopawo zvako uchizvidira, uchipa maererano nekukomborerwa kwaunoitwa naJehovha Mwari wako.+ 11 Uye unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako, iwe nemwanakomana wako, mwanasikana wako, murandarume wako, murandakadzi wako, muRevhi ari mukati memaguta* ako, mutorwa, nherera, nechirikadzi, vari pakati pako, munzvimbo inosarudzwa naJehovha Mwari wako kuti zita rake rigare.+ 12 Yeuka kuti wakava muranda muIjipiti,+ saka chengeta uye tevedzera mirau iyi.
13 “Unofanira kuchengeta Mutambo Wematumba+ kwemazuva manomwe paunounganidza zvinobva paburiro* rako, uye pamafuta newaini zvaunosvina. 14 Fara panguva yemutambo wako,+ iwe nemwanakomana wako, mwanasikana wako, murandarume wako, murandakadzi wako, muRevhi, mutorwa, nherera, nechirikadzi, vari mukati memaguta ako. 15 Kwemazuva manomwe uchaitira Jehovha Mwari wako mutambo+ munzvimbo inosarudzwa naJehovha, nekuti Jehovha Mwari wako achakomborera zvibereko zvako zvese uye zvese zvaunoita,+ uye uchafara kwazvo.+
16 “Vanhurume vako vese vanofanira kuenda pamberi paJehovha Mwari wako katatu pagore panzvimbo yaachasarudza: paMutambo Wechingwa Chisina Mbiriso,+ paMutambo Wemavhiki,+ nepaMutambo Wematumba,+ uye hapana anofanira kuuya pamberi paJehovha achingova maoko chete. 17 Chipo chinounzwa nemunhu mumwe nemumwe chinofanira kuenderana nechikomborero chaakapiwa naJehovha Mwari wako.+
18 “Unofanira kugadza vatongi+ nevatungamiriri vedzinza rimwe nerimwe mumaguta* ako ese auri kupiwa naJehovha Mwari wako, uye vanofanira kutonga vanhu zvakarurama. 19 Usatonga nyaya zvisina kururama,+ kana kusarura,+ kana kugamuchira chiokomuhomwe,+ nekuti icho chinopofumadza vakachenjera uye chinoita kuti vakarurama vamonyorore mashoko. 20 Unofanira kuramba uchitonga zvakarurama,+ kutonga zvakarurama chete, kuti urambe uchirarama uye utore nyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako.
21 “Haufaniri kusima muti chero wemhando ipi zvayo kuti uve bango rinoera*+ pedyo neatari yaJehovha Mwari wako yaunozvigadzirira.
22 “Uyewo usazvigadzirira shongwe inoyera,+ iyo inovengwa naJehovha Mwari wako.