RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • VaHebheru 7
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raVaHebheru

      • Merekizedheki, mambo uye mupristi akasiyana nevamwe vese (1-10)

      • Upristi hwaKristu ndehwepamusorosoro (11-28)

        • Kristu anokwanisa kuponesa zvakakwana (25)

VaHebheru 7:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 14:17-20

VaHebheru 7:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 110:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/15/1995, p. 21

    11/15/1993, p. 31

VaHebheru 7:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 14:20

VaHebheru 7:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiGir., “vakabva muchiuno chaAbrahamu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 40:12, 15
  • +Nu 18:21, 26; Dhe 14:28

VaHebheru 7:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 12:7; 14:18-20; 17:6; 22:17

VaHebheru 7:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 7:3

VaHebheru 7:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 14:18

VaHebheru 7:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaR 3:20; VaH 7:19; 9:9; 10:1
  • +Pis 110:4

VaHebheru 7:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaR 3:27; 1VaK 9:21; VaG 6:2; VaK 2:13, 14

VaHebheru 7:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 18:6, 7

VaHebheru 7:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 49:10; Mt 1:1, 3; Ru 3:23, 33

VaHebheru 7:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 3:1; 7:26
  • +Pis 110:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 18

VaHebheru 7:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaR 6:9; 1Ti 6:16

VaHebheru 7:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 110:4

VaHebheru 7:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaR 8:3; VaH 9:9; 13:9

VaHebheru 7:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 13:38, 39; VaG 2:15, 16; VaH 10:1
  • +1Pe 1:3, 4
  • +Joh 14:6; VaH 4:16

VaHebheru 7:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, Mwari.

  • *

    Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

  • *

    Kana kuti “haazozvidembi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 110:4

VaHebheru 7:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 31:31; Mt 26:27, 28; 1VaK 11:25; VaH 8:6; 9:15; 12:22, 24

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/1989, p. 30

VaHebheru 7:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 6:4

VaHebheru 7:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ru 1:33; VaH 7:15, 16

VaHebheru 7:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaR 8:34; 1Ti 2:5; VaH 9:24; 1Jo 2:1

VaHebheru 7:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 53:9; 1Pe 2:21, 22
  • +VaE 1:20, 21; 1Pe 3:22

VaHebheru 7:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 28:3
  • +Re 9:8, 15
  • +VaR 6:10; VaH 9:28; 10:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    12/15/2008, pp. 14-15

VaHebheru 7:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 16:11
  • +Pis 2:7; 110:4
  • +VaH 2:10; 5:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    12/15/2008, p. 14

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

VaH. 7:1Ge 14:17-20
VaH. 7:3Pis 110:4
VaH. 7:4Ge 14:20
VaH. 7:5Eks 40:12, 15
VaH. 7:5Nu 18:21, 26; Dhe 14:28
VaH. 7:6Ge 12:7; 14:18-20; 17:6; 22:17
VaH. 7:8VaH 7:3
VaH. 7:10Ge 14:18
VaH. 7:11VaR 3:20; VaH 7:19; 9:9; 10:1
VaH. 7:11Pis 110:4
VaH. 7:12VaR 3:27; 1VaK 9:21; VaG 6:2; VaK 2:13, 14
VaH. 7:13Nu 18:6, 7
VaH. 7:14Ge 49:10; Mt 1:1, 3; Ru 3:23, 33
VaH. 7:15VaH 3:1; 7:26
VaH. 7:15Pis 110:4
VaH. 7:16VaR 6:9; 1Ti 6:16
VaH. 7:17Pis 110:4
VaH. 7:18VaR 8:3; VaH 9:9; 13:9
VaH. 7:19Mab 13:38, 39; VaG 2:15, 16; VaH 10:1
VaH. 7:191Pe 1:3, 4
VaH. 7:19Joh 14:6; VaH 4:16
VaH. 7:21Pis 110:4
VaH. 7:22Jer 31:31; Mt 26:27, 28; 1VaK 11:25; VaH 8:6; 9:15; 12:22, 24
VaH. 7:231Mak 6:4
VaH. 7:24Ru 1:33; VaH 7:15, 16
VaH. 7:25VaR 8:34; 1Ti 2:5; VaH 9:24; 1Jo 2:1
VaH. 7:26Isa 53:9; 1Pe 2:21, 22
VaH. 7:26VaE 1:20, 21; 1Pe 3:22
VaH. 7:27Nu 28:3
VaH. 7:27Re 9:8, 15
VaH. 7:27VaR 6:10; VaH 9:28; 10:14
VaH. 7:28Re 16:11
VaH. 7:28Pis 2:7; 110:4
VaH. 7:28VaH 2:10; 5:9
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
VaHebheru 7:1-28

Tsamba kuvaHebheru

7 Nekuti Merekizedheki uyu, mambo weSarema, mupristi waMwari Wekumusorosoro, akasangana naAbrahamu achibva kunokunda madzimambo, akamukomborera+ 2 uye Abrahamu akamupa chegumi chezvinhu zvese. Kutanga, zita rake rinoshandurwa richinzi “Mambo Wekururama,” uye ndimambo weSarema, izvo zvinoreva kuti, “Mambo Werugare.” 3 Sezvo akanga asina baba, asina amai, asina dzinza, asina panotangira mazuva ake kana panogumira upenyu hwake, asi akaita seMwanakomana waMwari, iye anoramba ari mupristi nekusingaperi.+

4 Onai kuti murume uyu aiva mukuru sei, uyo tateguru Abrahamu vakapa chegumi chezvinhu zvakanakisisa zvavakanga vapamba.+ 5 Ichokwadi kuti maererano neMutemo, vanakomana vaRevhi+ vaya vanopiwa basa reupristi vane murayiro wekutora zvegumi kuvanhu,+ kuhama dzavo, kunyange zvazvo vanhu ivavo vari vazukuru vaAbrahamu.* 6 Asi murume uyu asina dzinza rakabva kwavari akatora zvegumi kuna Abrahamu, akakomborera uya aiva avimbiswa.+ 7 Saka hapana mubvunzo kuti mudiki anokomborerwa nemukuru. 8 Pamwe pacho, zvegumi zviri kupiwa kuvanhu vanofa, asi pamwe pacho, zviri kupiwa munhu ari kupupurirwa kuti mupenyu.+ 9 Uye tingatoti kunyange Revhi, uyo anogamuchira zvegumi, akabvisawo zvegumi kuburikidza naAbrahamu, 10 nekuti akanga asati aberekwa paya pakasangana tateguru vake naMerekizedheki.+

11 Saka kana vanhu vaiitwa kuti vakwane neupristi hwevaRevhi+ (nekuti hwaiva chimwe chezvinhu zvaiitwa muMutemo wakanga wakapiwa vanhu), paizodirweizve kuti pave nemumwe mupristi akaita saMerekizedheki,+ asina kuita saAroni? 12 Nekuti sezvo upristi huri kuchinjwa, Mutemo wacho unofanirawo kuchinja.+ 13 Nekuti murume ari kutaurwa nezvake aiva werimwe dzinza, risina kana munhu akamboshumira paatari.+ 14 Nekuti zviri pachena kuti Ishe wedu akabva kudzinza raJudha,+ asi Mozisi haana kumbotaura kuti paizova nevapristi vanobva kudzinza iroro.

15 Uye izvi zvinobva zvawedzera kujeka panomuka mumwe mupristi+ akafanana naMerekizedheki,+ 16 anova mupristi zvisingabvi pamutemo maererano nedzinza, asi maererano nesimba reupenyu husingagoni kuparadzwa.+ 17 Nekuti anopupurirwa nezvake zvichinzi: “Iwe uri mupristi nekusingaperi sezvakanga zvakaita Merekizedheki.”+

18 Saka murayiro wekare unosiyiwa nekuti hauna simba uye haushandi.+ 19 Nekuti Mutemo hauna chinhu chawakaita kuti chive chakakwana,+ asi kuuya kwakaita tariro iri nani+ kwakaita kuti zvinhu zvive zvakakwana. Tariro iyoyo ndiyo inotiswededza pedyo naMwari.+ 20 Uyewo, sezvo izvi zvisina kuitwa pasina mhiko yakapikwa 21 (nekuti zvechokwadi variko vanhu vakava vapristi pasina mhiko yakapikwa, asi uyu akava mupristi pachiita zvekupikwa naiye* akati: “Jehovha* akapika mhiko, uye haazochinji mwoyo,* ‘Iwe uri mupristi nekusingaperi’”),+ 22 Jesu ndiye akava sechibatiso pakaitwa sungano iri nani.+ 23 Uyezve vazhinji vaishanda sevapristi, mumwe achizotsiviwa nemumwe,+ nekuti rufu rwaivatadzisa kuramba varipo, 24 asi sezvo iye achiramba ari mupenyu nekusingaperi,+ hapana anomutsiva semupristi. 25 Saka anokwanisawo kuponesa zvakakwana vaya vanosvika kuna Mwari nekwaari, nekuti anogara ari mupenyu achiteterera kuna Mwari achivamiririra.+

26 Nekuti zvakakodzera kuti tive nemupristi mukuru akadaro, akavimbika, asina mhosva, asina kusvibiswa, akaparadzaniswa nevatadzi,+ uye akakwidziridzwa kupfuura matenga.+ 27 Akasiyana nevapristi vakuru vaya pakuti haafaniri kupa zvibayiro mazuva ese,+ achitanga nezvezvivi zvake pachake, ozopa zvezvivi zvevanhu vese,+ nekuti akazviita kamwe chete zvikabva zvakwana, paya paakazvipira iye pachake.+ 28 Nekuti Mutemo unogadza vanhu vasina simba kuti vave vapristi vakuru,+ asi shoko remhiko+ yakapikwa pashure peMutemo rinogadza Mwanakomana, uyo akaitwa kuti ave akakwana+ nekusingaperi.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe