RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Samueri 18
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Samueri

      • Ushamwari hwaDhavhidhi naJonatani (1-4)

      • Kukunda kwaiita Dhavhidhi kunoita kuti Sauro aite godo (5-9)

      • Sauro anoedza kuuraya Dhavhidhi (10-19)

      • Dhavhidhi anoroora Mikari, mwanasikana waSauro (20-30)

1 Samueri 18:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya waJonatani wakanamatirana newaDhavhidhi.”

  • *

    Kana kuti “aaiita mweya wake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 14:1, 49
  • +1Sa 19:2; 20:17, 41; 2Sa 1:26

1 Samueri 18:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 8:11; 16:22; 17:15

1 Samueri 18:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “aaiita mweya wake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 20:8, 42; 23:18; 2Sa 9:1; 21:7
  • +Zvi 17:17; 18:24

1 Samueri 18:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “aiita zvinhu neungwaru.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:30
  • +1Sa 14:52

1 Samueri 18:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 15:20, 21; Vat 5:1
  • +Vat 11:34

1 Samueri 18:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 21:11; 29:5

1 Samueri 18:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 4:5; Zvi 14:30
  • +1Sa 13:14; 15:27, 28; 16:13; 20:31; 24:17, 20

1 Samueri 18:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuita semuprofita.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 16:14
  • +1Sa 16:16, 23
  • +1Sa 19:9, 10

1 Samueri 18:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 20:33

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/2008, p. 4

1 Samueri 18:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:28, 29
  • +1Sa 16:14

1 Samueri 18:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “uye aibuda nekupinda pamberi pevanhu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 5:2

1 Samueri 18:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “achiita zvinhu neungwaru.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:5
  • +Ge 39:2; Jos 6:27; 1Sa 10:7; 16:18

1 Samueri 18:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 14:49
  • +1Sa 17:25
  • +1Sa 25:28
  • +1Sa 18:25

1 Samueri 18:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 7:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/1/2004, p. 15

1 Samueri 18:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 21:8

1 Samueri 18:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 14:49; 19:11; 25:44; 2Sa 3:13; 6:16

1 Samueri 18:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Ucharoora kwandiri.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:17

1 Samueri 18:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:18

1 Samueri 18:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 29:18
  • +1Sa 17:26, 36; 2Sa 3:14

1 Samueri 18:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:21

1 Samueri 18:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 17:25

1 Samueri 18:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 16:13; 24:17, 20
  • +1Sa 18:20

1 Samueri 18:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:9, 12; 20:33

1 Samueri 18:30

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “aiita zvinhu neungwaru.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:5
  • +2Sa 7:9

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Sam. 18:11Sa 14:1, 49
1 Sam. 18:11Sa 19:2; 20:17, 41; 2Sa 1:26
1 Sam. 18:21Sa 8:11; 16:22; 17:15
1 Sam. 18:31Sa 20:8, 42; 23:18; 2Sa 9:1; 21:7
1 Sam. 18:3Zvi 17:17; 18:24
1 Sam. 18:51Sa 18:30
1 Sam. 18:51Sa 14:52
1 Sam. 18:6Eks 15:20, 21; Vat 5:1
1 Sam. 18:6Vat 11:34
1 Sam. 18:71Sa 21:11; 29:5
1 Sam. 18:8Ge 4:5; Zvi 14:30
1 Sam. 18:81Sa 13:14; 15:27, 28; 16:13; 20:31; 24:17, 20
1 Sam. 18:101Sa 16:14
1 Sam. 18:101Sa 16:16, 23
1 Sam. 18:101Sa 19:9, 10
1 Sam. 18:111Sa 20:33
1 Sam. 18:121Sa 18:28, 29
1 Sam. 18:121Sa 16:14
1 Sam. 18:132Sa 5:2
1 Sam. 18:141Sa 18:5
1 Sam. 18:14Ge 39:2; Jos 6:27; 1Sa 10:7; 16:18
1 Sam. 18:171Sa 14:49
1 Sam. 18:171Sa 17:25
1 Sam. 18:171Sa 25:28
1 Sam. 18:171Sa 18:25
1 Sam. 18:182Sa 7:18
1 Sam. 18:192Sa 21:8
1 Sam. 18:201Sa 14:49; 19:11; 25:44; 2Sa 3:13; 6:16
1 Sam. 18:211Sa 18:17
1 Sam. 18:231Sa 18:18
1 Sam. 18:25Ge 29:18
1 Sam. 18:251Sa 17:26, 36; 2Sa 3:14
1 Sam. 18:261Sa 18:21
1 Sam. 18:271Sa 17:25
1 Sam. 18:281Sa 16:13; 24:17, 20
1 Sam. 18:281Sa 18:20
1 Sam. 18:291Sa 18:9, 12; 20:33
1 Sam. 18:301Sa 18:5
1 Sam. 18:302Sa 7:9
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Samueri 18:1-30

Bhuku Rekutanga raSamueri

18 Dhavhidhi paakangopedza kutaura naSauro, Jonatani+ naDhavhidhi vakabva vava shamwari dzepedyo* uye Jonatani akatanga kumuda semadiro aaizviita.*+ 2 Kubvira pazuva iroro Sauro akaita kuti Dhavhidhi arambe ainaye, uye haana kumubvumira kudzokera kumba kwababa vake.+ 3 Uye Jonatani naDhavhidhi vakaita sungano,+ nekuti Jonatani aida Dhavhidhi semadiro aaizviita.*+ 4 Jonatani akabvisa nguo yake isina maoko yaakanga akapfeka akaipa Dhavhidhi, pamwe chete nenguo dzake dzehondo, nebakatwa rake, neuta hwake, nebhandi rake. 5 Dhavhidhi akatanga kuenda kuhondo uye aikunda*+ kwese kwaaitumwa naSauro. Saka Sauro akamuita mukuru wevarwi,+ uye izvi zvakafadza vanhu vese pamwe chete nevaranda vaSauro.

6 Dhavhidhi nevamwe pavaidzoka vachibva kunouraya vaFiristiya, vakadzi vaibuda mumaguta ese evaIsraeri vachiimba+ nekutamba kuti vanochingura Mambo Sauro, vaine matambureni,+ vachifara uye vaine zviridzwa zvine tambo nhatu. 7 Vakadzi vacho vaipemberera vachiimba vachiti:

“Sauro akauraya zviuru zvake,

Uye Dhavhidhi makumi ezviuru zvake.”+

8 Sauro akatsamwa kwazvo,+ uye rwiyo urwu rwakamugumbura nekuti aiti: “Vapa Dhavhidhi makumi ezviuru, asi ini vandipa zviuru. Changosara ndechekuti vamupe umambo!”+ 9 Kubva pazuva iroro Sauro akanga ava kugara achinyumwira Dhavhidhi.

10 Zuva rakatevera racho mweya wakaipa waibva kuna Mwari wakabata Sauro,+ uye akatanga kuita zvinhu zvisinganzwisisiki* ari mumba, Dhavhidhi achiridza mumhanzi parudimbwa+ sezvaakanga agara achiita. Sauro aiva nepfumo muruoko rwake,+ 11 uye akarikanda+ achiti nechemumwoyo: ‘Ndichabayirira Dhavhidhi kumadziro!’ Asi Dhavhidhi akamutiza kaviri. 12 Sauro akatanga kutya Dhavhidhi nekuti Jehovha akanga ainaye,+ asi akanga abva pana Sauro.+ 13 Saka Sauro akamubvisa pabasa rekushumira pamberi pake, akamugadza kuti ave mukuru wechiuru, uye Dhavhidhi aitungamirira uto kunorwa.*+ 14 Dhavhidhi akaramba achibudirira*+ pane zvese zvaaiita, uye Jehovha aiva naye.+ 15 Uye Sauro paakaona kuti aibudirira chaizvo, akamutya. 16 Asi vaIsraeri vese nevaJudha vese vaida Dhavhidhi, nekuti aivatungamirira muhondo dzavo.

17 Sauro akazoti kuna Dhavhidhi: “Ona ndine mwanasikana wangu mukuru Merabhu.+ Ndichakupa kuti ave mudzimai wako.+ Asi unofanira kuramba uchindishandira uine ushingi, worwa hondo dzaJehovha.”+ Nekuti Sauro akati nechemumwoyo: ‘Ruoko rwangu ngarurege kumurwisa. Ngaaurayiwe neruoko rwevaFiristiya.’+ 18 Dhavhidhi akabva ati kuna Sauro: “Ndiri ani uye hama dzangu, iyo mhuri yababa vangu, ndivanaani pakati paIsraeri, kuti ndive mukuwasha wamambo?”+ 19 Zvisinei, pakasvika nguva yekuti Dhavhidhi apiwe Merabhu mwanasikana waSauro, iye akanga atopiwa Adrieri+ wekuMehora kuti ave mudzimai wake.

20 Zvino Mikari+ mwanasikana waSauro aida Dhavhidhi, uye Sauro akaudzwa nezvazvo, zvikamufadza. 21 Saka Sauro akati: “Ndichamupa mwanasikana wangu kuti ave musungo kwaari, kuitira kuti ruoko rwevaFiristiya ruve pamusoro pake.”+ Sauro akabva ati kuna Dhavhidhi kechipiri: “Uchava mukuwasha wangu* nhasi.” 22 Uyezve, Sauro akarayira varanda vake kuti: “Taurai naDhavhidhi pachivande muchiti, ‘Inzwaka! Mambo ari kukufarira, nevaranda vake vese vanokuda. Saka roora kwamambo.’” 23 Varanda vaSauro pavakaudza Dhavhidhi mashoko acho, Dhavhidhi akati: “Munofunga kuti kuroora kwamambo chinhu chiri nyore here ini ndiri murombo uye munhu asingaremekedzwi?”+ 24 Varanda vaSauro vakabva vaudza Sauro kuti: “Aya ndiwo mashoko ataurwa naDhavhidhi.”

25 Sauro akabva ati: “Udzai Dhavhidhi kuti, ‘Mambo haasi kuda mari yeroora+ asi ari kuda zvikanda zvepamberi 100+ zvevaFiristiya, kuti atsive vavengi vamambo.’” Nekuti Sauro aironga kuti Dhavhidhi aurayiwe neruoko rwevaFiristiya. 26 Saka varanda vake vakaudza Dhavhidhi mashoko aya, uye Dhavhidhi akafarira kuroora kwamambo.+ Nguva yakanga yataurwa isati yakwana, 27 Dhavhidhi akaenda nevarume vake, vakauraya varume 200 vechiFiristiya, uye Dhavhidhi akaenda nezvikanda zvavo zvepamberi zvese kuna mambo, kuti aroore kwamambo. Saka Sauro akabva amupa mwanasikana wake Mikari kuti ave mudzimai wake.+ 28 Sauro akaona kuti Jehovha akanga aina Dhavhidhi+ uye kuti mwanasikana wake Mikari aida Dhavhidhi.+ 29 Izvi zvakatoita kuti Sauro awedzere kutya Dhavhidhi, uye Sauro akabva avenga Dhavhidhi kweupenyu hwake hwese.+

30 Machinda evaFiristiya aienda kunorwa kakawanda, asi pese pavaienda, Dhavhidhi aibudirira* kupfuura varanda vese vaSauro;+ uye zita rake rairemekedzwa chaizvo.+

Mabhuku eChiShona (1973-2022)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2022 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe