31 Tera akazotora Abramu mwanakomana wake naRoti, mwanakomana waHarani, muzukuru wake,+ naSarai+ muroora wake, mudzimai waAbramu mwanakomana wake, vakabuda naye muUri yevaKadheya kuti vaende kunyika yeKenani.+ Kwapera nguva yakati, vakasvika kuHarani+ vakagara ikoko.