RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 30:6
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 6 Uiise pamberi peketeni riri pedyo neareka yechipupuriro,+ pamberi pechifukidziro chiri pamusoro peChipupuriro, pandichasangana newe.+

  • Revhitiko 16:2
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 2 Jehovha akati kuna Mosesi: “Taura naAroni mukoma wako, kuti arege kupinda munzvimbo tsvene+ mukati meketeni+ nguva dzose, pamberi pechifukidziro chiri pamusoro peAreka, kuti arege kufa;+ nokuti ndichazviratidza ndiri mugore+ riri pamusoro pechifukidziro.+

  • Numeri 7:89
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 89 Zvino pose paipinda Mosesi mutende rokusanganira kuti ataure naye,+ aibva anzwa inzwi richikurukura naye riri pamusoro pechifukidziro+ chakanga chiri pamusoro peareka yechipupuriro, richibva pakati pemakerubhi+ maviri; uye iye aitaura naye.

  • Vatongi 20:27
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 27 Pashure paizvozvo vanakomana vaIsraeri vakabvunza Jehovha,+ areka yesungano+ yaMwari wechokwadi zvayaiva ipapo mazuva iwayo.

  • Pisarema 80:1
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 80 Haiwa imi Mufudzi waIsraeri, teererai,+

      Imi muri kutungamirira Josefa sezvinoitwa boka rezvipfuwo.+

      Haiwa imi makagara pamakerubhi,+ penyai.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe