Vatongi 11:34 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 34 Jefta akazosvika kuMizpa+ kumba kwake, uye akaona mwanasikana wake achibuda kuzomuchingura achiridza gandira achitamba!+ Zvino ndiye aingova mwana mumwe chete. Aiva asina mumwe mwanakomana kana mwanasikana kunze kwake. 1 Samueri 18:6 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 6 Pavaipinda, Dhavhidhi paakadzoka achibva kunouraya vaFiristiya, vakadzi vakatanga kubuda mumaguta ose evaIsraeri vachiimba+ nokutamba kuti vanochingura mambo Sauro, vaine makandira,+ vachifara+ uye vaine zviridzwa zvaiva netambo nhatu. 2 Samueri 6:5 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 5 Dhavhidhi neimba yose yaIsraeri vakanga vachipembera pamberi paJehovha nezviridzwa zvemarudzi ose zvomuti womujunipa noudimbwa+ nezviridzwa zvine tambo+ nemakandira+ nematare anoridzwa nemakwakwakwa esimbi.+ Pisarema 150:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Murumbidzei negandira+ nokutamba muchitenderera.+Murumbidzei netambo dzezviridzwa+ nomutopota.+ Jeremiya 31:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Ndichakuvakazve uye uchavakwazve,+ haiwa iwe mhandara yaIsraeri. Uchashongawo makandira ako, woenda uchitamba sevaya vari kuseka.+
34 Jefta akazosvika kuMizpa+ kumba kwake, uye akaona mwanasikana wake achibuda kuzomuchingura achiridza gandira achitamba!+ Zvino ndiye aingova mwana mumwe chete. Aiva asina mumwe mwanakomana kana mwanasikana kunze kwake.
6 Pavaipinda, Dhavhidhi paakadzoka achibva kunouraya vaFiristiya, vakadzi vakatanga kubuda mumaguta ose evaIsraeri vachiimba+ nokutamba kuti vanochingura mambo Sauro, vaine makandira,+ vachifara+ uye vaine zviridzwa zvaiva netambo nhatu.
5 Dhavhidhi neimba yose yaIsraeri vakanga vachipembera pamberi paJehovha nezviridzwa zvemarudzi ose zvomuti womujunipa noudimbwa+ nezviridzwa zvine tambo+ nemakandira+ nematare anoridzwa nemakwakwakwa esimbi.+
4 Ndichakuvakazve uye uchavakwazve,+ haiwa iwe mhandara yaIsraeri. Uchashongawo makandira ako, woenda uchitamba sevaya vari kuseka.+