3 Vanakomana vose vaIsraeri vakanga vakatarira pakaburuka moto uye kubwinya kwaJehovha pakwaiva paimba yacho, vakabva vakotama+ zviso zvavo zvakatarira pasi panzvimbo yakarongwa matombo, vakagwadama,+ vakaonga Jehovha, vachiti “nokuti akanaka,+ nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi.”+