Revhitiko 26:1 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 26 “‘Musazvigadzirira vanamwari vasina zvavanobatsira,+ musazvimisira mufananidzo wakavezwa+ kana kuti shongwe tsvene, musamisa dombo rine mifananidzo+ munyika yenyu kuti murikotamire;+ nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu. Dheuteronomi 4:16 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 16 kuti murege kuita zvakaipa+ uye murege kuzvigadzirira mufananidzo wakavezwa, mufananidzo wechiratidzo chero wechinhu chipi zvacho, mufananidzo womunhurume kana kuti munhukadzi,+ Dheuteronomi 5:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 “‘Usazvigadzirira mufananidzo wakavezwa,+ chero mufananidzo+ upi zvawo wakaita sechinhu chero chipi zvacho chiri kumatenga ari kumusoro kana kuti chiri panyika iri pasi kana kuti chiri mumvura iri pasi penyika. Isaya 40:25 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 25 “Asi mungandifananidza naani kuti ndienzaniswe naye?” anodaro iye Mutsvene.+ Mabasa 17:29 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 29 “Naizvozvo, zvatiri vana vaMwari,+ hatifaniri kufunga kuti Mwari+ akafanana nendarama kana sirivha kana dombo, kufanana nechimwe chinhu chakavezwa nounyanzvi nouchenjeri hwomunhu.+ 1 VaKorinde 8:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Zvino pamusoro pokudya+ zvokudya zvakapirwa kuzvidhori, tinoziva kuti chidhori hachisi chinhu+ munyika, uye kuti hapana mumwe Mwari kunze kwomumwe chete.+ Zvakazarurwa 9:20 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 20 Asi vamwe vanhu vose vasina kuurayiwa nematambudziko iwaya havana kupfidza mabasa emaoko avo,+ kuti varege kunamata madhimoni+ nezvidhori zvendarama nezvesirivha+ nezvemhangura nezvematombo nezvematanda, zvisingagoni kuona kana kunzwa kana kufamba;+
26 “‘Musazvigadzirira vanamwari vasina zvavanobatsira,+ musazvimisira mufananidzo wakavezwa+ kana kuti shongwe tsvene, musamisa dombo rine mifananidzo+ munyika yenyu kuti murikotamire;+ nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
16 kuti murege kuita zvakaipa+ uye murege kuzvigadzirira mufananidzo wakavezwa, mufananidzo wechiratidzo chero wechinhu chipi zvacho, mufananidzo womunhurume kana kuti munhukadzi,+
8 “‘Usazvigadzirira mufananidzo wakavezwa,+ chero mufananidzo+ upi zvawo wakaita sechinhu chero chipi zvacho chiri kumatenga ari kumusoro kana kuti chiri panyika iri pasi kana kuti chiri mumvura iri pasi penyika.
29 “Naizvozvo, zvatiri vana vaMwari,+ hatifaniri kufunga kuti Mwari+ akafanana nendarama kana sirivha kana dombo, kufanana nechimwe chinhu chakavezwa nounyanzvi nouchenjeri hwomunhu.+
4 Zvino pamusoro pokudya+ zvokudya zvakapirwa kuzvidhori, tinoziva kuti chidhori hachisi chinhu+ munyika, uye kuti hapana mumwe Mwari kunze kwomumwe chete.+
20 Asi vamwe vanhu vose vasina kuurayiwa nematambudziko iwaya havana kupfidza mabasa emaoko avo,+ kuti varege kunamata madhimoni+ nezvidhori zvendarama nezvesirivha+ nezvemhangura nezvematombo nezvematanda, zvisingagoni kuona kana kunzwa kana kufamba;+