15 Munofanira kudya makeke asina kuviriswa kwemazuva manomwe. Pazuva rokutanga mubvise mukanyiwa une mbiriso mudzimba dzenyu, nokuti ani naani anodya zvinhu zvakaiswa mbiriso, kubvira pazuva rokutanga kusvikira kune rechinomwe,+ mweya iwoyo unofanira kuparadzwa pakati paIsraeri.+