Eksodho 23:16 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 16 Uitewo mutambo wokukohwa michero inotanga kuibva+ yemabasa ako, yezvaunodyara mumunda;+ nomutambo wokuunganidza pakupera kwegore, paunounganidza zvawakashandira kumunda.+ Numeri 29:12 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 12 “‘Zvino pazuva rechigumi nemashanu romwedzi wechinomwe+ munofanira kuva nokuungana kutsvene.+ Hamufaniri kuita basa rakaoma chero ripi zvaro,+ uye muitire Jehovha mutambo kwemazuva manomwe.+ Dheuteronomi 16:13 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 13 “Unofanira kuchengeta mutambo wematumba+ kwemazuva manomwe paunounganidza zvinobva paburiro rako uye muchisviniro chako chemafuta nechewaini. Ezra 3:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Vakabva vaita mutambo wematumba+ maererano nezvakanyorwa,+ nezvibayiro zvinopiswa zuva nezuva nokuwanda kwazvo maererano nomurau wezvaidiwa zuva rimwe nerimwe.+ Nehemiya 8:14 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 14 Vakabva vawana mubhuku romutemo makanyorwa kuti Jehovha akanga arayira achishandisa Mosesi+ kuti vanakomana vaIsraeri vagare mumatumba+ mukati momutambo mumwedzi wechinomwe,+ Zekariya 14:16 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 16 “Zvino vanhu vose vachasara pamarudzi ose achauya kuzorwa neJerusarema,+ vachakwira kunokotamira Mambo+ gore negore,+ iye Jehovha wemauto,+ uye kunoita mutambo wematumba.+ Johani 7:2 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 2 Zvisinei, mutambo wevaJudha, iwo mutambo wematebhenekeri,+ wakanga wava pedyo.
16 Uitewo mutambo wokukohwa michero inotanga kuibva+ yemabasa ako, yezvaunodyara mumunda;+ nomutambo wokuunganidza pakupera kwegore, paunounganidza zvawakashandira kumunda.+
12 “‘Zvino pazuva rechigumi nemashanu romwedzi wechinomwe+ munofanira kuva nokuungana kutsvene.+ Hamufaniri kuita basa rakaoma chero ripi zvaro,+ uye muitire Jehovha mutambo kwemazuva manomwe.+
13 “Unofanira kuchengeta mutambo wematumba+ kwemazuva manomwe paunounganidza zvinobva paburiro rako uye muchisviniro chako chemafuta nechewaini.
4 Vakabva vaita mutambo wematumba+ maererano nezvakanyorwa,+ nezvibayiro zvinopiswa zuva nezuva nokuwanda kwazvo maererano nomurau wezvaidiwa zuva rimwe nerimwe.+
14 Vakabva vawana mubhuku romutemo makanyorwa kuti Jehovha akanga arayira achishandisa Mosesi+ kuti vanakomana vaIsraeri vagare mumatumba+ mukati momutambo mumwedzi wechinomwe,+
16 “Zvino vanhu vose vachasara pamarudzi ose achauya kuzorwa neJerusarema,+ vachakwira kunokotamira Mambo+ gore negore,+ iye Jehovha wemauto,+ uye kunoita mutambo wematumba.+