Eksodho 20:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 “Usazvigadzirira mufananidzo wakavezwa, kana mufananidzo wechinhu chero chipi zvacho chiri kumatenga kumusoro, kana chiri panyika pasi, kana chiri mumvura pasi penyika.+ Revhitiko 19:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Musatsaukira kuna vanamwari vasina zvavanobatsira,+ uye hamufaniri kuzvigadzirira vanamwari vesimbi yakanyungudutswa.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu. Pisarema 96:5 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 5 Nokuti vanamwari vose vemamwe marudzi ndivanamwari vasina zvavanobatsira;+Asi Jehovha, ndiye akasika matenga.+ Mabasa 17:29 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 29 “Naizvozvo, zvatiri vana vaMwari,+ hatifaniri kufunga kuti Mwari+ akafanana nendarama kana sirivha kana dombo, kufanana nechimwe chinhu chakavezwa nounyanzvi nouchenjeri hwomunhu.+ 1 VaKorinde 8:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Zvino pamusoro pokudya+ zvokudya zvakapirwa kuzvidhori, tinoziva kuti chidhori hachisi chinhu+ munyika, uye kuti hapana mumwe Mwari kunze kwomumwe chete.+
4 “Usazvigadzirira mufananidzo wakavezwa, kana mufananidzo wechinhu chero chipi zvacho chiri kumatenga kumusoro, kana chiri panyika pasi, kana chiri mumvura pasi penyika.+
4 Musatsaukira kuna vanamwari vasina zvavanobatsira,+ uye hamufaniri kuzvigadzirira vanamwari vesimbi yakanyungudutswa.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu.
5 Nokuti vanamwari vose vemamwe marudzi ndivanamwari vasina zvavanobatsira;+Asi Jehovha, ndiye akasika matenga.+
29 “Naizvozvo, zvatiri vana vaMwari,+ hatifaniri kufunga kuti Mwari+ akafanana nendarama kana sirivha kana dombo, kufanana nechimwe chinhu chakavezwa nounyanzvi nouchenjeri hwomunhu.+
4 Zvino pamusoro pokudya+ zvokudya zvakapirwa kuzvidhori, tinoziva kuti chidhori hachisi chinhu+ munyika, uye kuti hapana mumwe Mwari kunze kwomumwe chete.+