Eksodho 24:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Akazotora bhuku resungano,+ akariverenga vanhu vachinzwa.+ Ivo vakabva vati: “Tinoda kuita, uye kuteerera zvose zvataurwa naJehovha.”+ Dheuteronomi 31:16 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 16 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi: “Tarira! Ucharara nemadzitateguru ako;+ uye vanhu ava vachasimuka+ voita unzenza navanamwari vokune imwe nyika vomunyika yavari kuenda kwairi,+ pakati pavo chaipo, uye vachandisiya+ voputsa sungano yangu yandakaita navo.+ Jeremiya 11:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Vakadzokera kuzvikanganiso zvemadzitateguru avo+ okutanga, ayo akaramba kuteerera mashoko angu, asi akatevera vamwe vanamwari kuti avashumire.+ Imba yaIsraeri neimba yaJudha dzakaputsa sungano yangu yandakaita nemadzitateguru avo.+ VaHebheru 8:9 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 9 isina kufanana nesungano+ yandakaita nemadzitateguru avo pazuva randakabata maoko avo kuti ndivabudise munyika yeIjipiti,+ nokuti havana kuramba vari musungano yangu,+ zvokuti ndakabva ndarega kuvatarisira,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.”+
7 Akazotora bhuku resungano,+ akariverenga vanhu vachinzwa.+ Ivo vakabva vati: “Tinoda kuita, uye kuteerera zvose zvataurwa naJehovha.”+
16 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi: “Tarira! Ucharara nemadzitateguru ako;+ uye vanhu ava vachasimuka+ voita unzenza navanamwari vokune imwe nyika vomunyika yavari kuenda kwairi,+ pakati pavo chaipo, uye vachandisiya+ voputsa sungano yangu yandakaita navo.+
10 Vakadzokera kuzvikanganiso zvemadzitateguru avo+ okutanga, ayo akaramba kuteerera mashoko angu, asi akatevera vamwe vanamwari kuti avashumire.+ Imba yaIsraeri neimba yaJudha dzakaputsa sungano yangu yandakaita nemadzitateguru avo.+
9 isina kufanana nesungano+ yandakaita nemadzitateguru avo pazuva randakabata maoko avo kuti ndivabudise munyika yeIjipiti,+ nokuti havana kuramba vari musungano yangu,+ zvokuti ndakabva ndarega kuvatarisira,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.”+