6 Zvino panopera mazuva okunatswa kwake nokuda kwomwanakomana kana kuti nokuda kwomwanasikana, ngaauye kusuo retende rokusanganira, kumupristi, negondohwe duku rine gore rimwe chete kuti rive chinopiwa chinopiswa,+ nehangaiwa duku kana kuti gukutiwa+ kuti rive chinopiwa chechivi.