Revhitiko 20:6 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 6 “‘Kana uri mweya unotsaukira kumasvikiro+ nevafemberi+ kuti uite unzenza navo, ndichatarira mweya iwoyo ndakatsamwa, ndouparadza pakati pevanhu vokwawo.+ Dheuteronomi 18:11 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 11 kana munhu anotsinga vamwe nezvitsinga,+ kana anobvunza svikiro,+ kana vafemberi,+ kana anobvunza vakafa.+ 1 Samueri 28:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Sauro akazoti kuvashandi vake: “Nditsvakirei mukadzi anosvikirwa,+ uye ndichaenda kwaari ndomubvunza.” Vashandi vake vakabva vati kwaari: “Tarirai! Pane mukadzi anosvikirwa ari muEndori.”+ 1 Makoronike 10:13 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 13 Nokudaro Sauro akafira kusatendeka kwake kwaakanga aitira Jehovha nokusatenda kwake+ shoko raJehovha raakanga asina kuchengeta uyewo nokuda kwokukumbira svikiro+ kuti rimubvunzire. 2 Makoronike 33:6 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 6 Akapinza vanakomana vake mumoto+ mumupata womwanakomana waHinomu,+ akaita zvemashiripiti,+ akashopera,+ akaita zvouroyi,+ akagadza masvikiro+ nevafemberi.+ Akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, kuti amugumbure.+ Isaya 8:19 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 19 Zvino kana vakati kwamuri: “Bvunzai masvikiro+ kana kuti vafemberi vanorira+ uye vanotaura nemanzwi ari pasi-pasi,” vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here?+ Vanofanira kubvunza vanhu vakafa nokuda kwevanhu vapenyu here?+ VaGaratiya 5:20 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 20 kunamata zvidhori, tsika yokuita zvemidzimu,+ kuvengana, kupopotedzana, godo, kufufutirwa nehasha, kukakavadzana, kupesana, kuita tumapoka, Zvakazarurwa 21:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 Asi kana dziri mbwende nevaya vasina kutenda+ nevanonyangadza mutsvina yavo+ nemhondi+ nezvifeve+ nevaya vanoita zvemidzimu nevanonamata zvidhori+ nevarevi venhema+ vose, mugove wavo uchava mugungwa rinopfuta moto+ nesarufa.+ Iri rinomirira rufu rwechipiri.”+
6 “‘Kana uri mweya unotsaukira kumasvikiro+ nevafemberi+ kuti uite unzenza navo, ndichatarira mweya iwoyo ndakatsamwa, ndouparadza pakati pevanhu vokwawo.+
11 kana munhu anotsinga vamwe nezvitsinga,+ kana anobvunza svikiro,+ kana vafemberi,+ kana anobvunza vakafa.+
7 Sauro akazoti kuvashandi vake: “Nditsvakirei mukadzi anosvikirwa,+ uye ndichaenda kwaari ndomubvunza.” Vashandi vake vakabva vati kwaari: “Tarirai! Pane mukadzi anosvikirwa ari muEndori.”+
13 Nokudaro Sauro akafira kusatendeka kwake kwaakanga aitira Jehovha nokusatenda kwake+ shoko raJehovha raakanga asina kuchengeta uyewo nokuda kwokukumbira svikiro+ kuti rimubvunzire.
6 Akapinza vanakomana vake mumoto+ mumupata womwanakomana waHinomu,+ akaita zvemashiripiti,+ akashopera,+ akaita zvouroyi,+ akagadza masvikiro+ nevafemberi.+ Akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, kuti amugumbure.+
19 Zvino kana vakati kwamuri: “Bvunzai masvikiro+ kana kuti vafemberi vanorira+ uye vanotaura nemanzwi ari pasi-pasi,” vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here?+ Vanofanira kubvunza vanhu vakafa nokuda kwevanhu vapenyu here?+
20 kunamata zvidhori, tsika yokuita zvemidzimu,+ kuvengana, kupopotedzana, godo, kufufutirwa nehasha, kukakavadzana, kupesana, kuita tumapoka,
8 Asi kana dziri mbwende nevaya vasina kutenda+ nevanonyangadza mutsvina yavo+ nemhondi+ nezvifeve+ nevaya vanoita zvemidzimu nevanonamata zvidhori+ nevarevi venhema+ vose, mugove wavo uchava mugungwa rinopfuta moto+ nesarufa.+ Iri rinomirira rufu rwechipiri.”+