2 Samueri 7:16 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 16 Imba yako noumambo hwako zvichava zvakasimba nokusingagumi pamberi pako; chigaro chako choumambo chichava chakasimba kwazvo nokusingagumi.”’”+ Isaya 9:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Kukura kwokutonga+ kwomuchinda wacho norugare hazvizogumi,+ pachigaro choumambo chaDhavhidhi+ nepaumambo hwake kuti ahusimbise+ kwazvo uye kuti ahutsigire nokururamisira+ uye nokururama,+ kubvira zvino kusvikira nokusingagumi. Kushingaira kwaJehovha wemauto kuchazviita.+ Isaya 14:13 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 13 Iwe wakati mumwoyo mako, ‘Ndichakwira kumatenga.+ Ndichakwidza chigaro changu choumambo+ pamusoro penyeredzi+ dzaMwari, uye ndichagara pasi pagomo rokusanganira,+ kumativi ari kure kwazvo okuchamhembe.+ Jeremiya 23:5 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 5 “Tarira! Mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichamutsira Dhavhidhi nhungirwa yakarurama.+ Mambo achatonga+ oita nokungwara uye oruramisira nokuita zvakarurama munyika yacho.+ Ezekieri 21:27 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 27 Dongo, dongo, ndichariita dongo.+ Kana zviri izviwo, hazvizovi zvomunhu chero upi zvake kusvikira ane kodzero yepamutemo asvika,+ uye ndichamupa izvozvo.’+ 2 Petro 1:19 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 19 Naizvozvo tine shoko rouprofita+ rakaitwa kuti rive rechokwadi kwazvo;+ uye muri kuita zvakanaka kuriteerera serambi+ rinopenya munzvimbo ine rima, imo mumwoyo menyu, kusvikira ava mambakwedza uye nyamasase+ ichibuda. Zvakazarurwa 22:16 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 16 “‘Ini, Jesu, ndakatuma ngirozi yangu kuti ikupupurirei pamusoro pezvinhu izvi nokuda kweungano. Ndini mudzi+ nomwana+ waDhavhidhi, uye nyamasase.’”+
16 Imba yako noumambo hwako zvichava zvakasimba nokusingagumi pamberi pako; chigaro chako choumambo chichava chakasimba kwazvo nokusingagumi.”’”+
7 Kukura kwokutonga+ kwomuchinda wacho norugare hazvizogumi,+ pachigaro choumambo chaDhavhidhi+ nepaumambo hwake kuti ahusimbise+ kwazvo uye kuti ahutsigire nokururamisira+ uye nokururama,+ kubvira zvino kusvikira nokusingagumi. Kushingaira kwaJehovha wemauto kuchazviita.+
13 Iwe wakati mumwoyo mako, ‘Ndichakwira kumatenga.+ Ndichakwidza chigaro changu choumambo+ pamusoro penyeredzi+ dzaMwari, uye ndichagara pasi pagomo rokusanganira,+ kumativi ari kure kwazvo okuchamhembe.+
5 “Tarira! Mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichamutsira Dhavhidhi nhungirwa yakarurama.+ Mambo achatonga+ oita nokungwara uye oruramisira nokuita zvakarurama munyika yacho.+
27 Dongo, dongo, ndichariita dongo.+ Kana zviri izviwo, hazvizovi zvomunhu chero upi zvake kusvikira ane kodzero yepamutemo asvika,+ uye ndichamupa izvozvo.’+
19 Naizvozvo tine shoko rouprofita+ rakaitwa kuti rive rechokwadi kwazvo;+ uye muri kuita zvakanaka kuriteerera serambi+ rinopenya munzvimbo ine rima, imo mumwoyo menyu, kusvikira ava mambakwedza uye nyamasase+ ichibuda.
16 “‘Ini, Jesu, ndakatuma ngirozi yangu kuti ikupupurirei pamusoro pezvinhu izvi nokuda kweungano. Ndini mudzi+ nomwana+ waDhavhidhi, uye nyamasase.’”+