RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Samueri 7:16
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 16 Imba yako noumambo hwako zvichava zvakasimba nokusingagumi pamberi pako; chigaro chako choumambo chichava chakasimba kwazvo nokusingagumi.”’”+

  • Isaya 9:7
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 7 Kukura kwokutonga+ kwomuchinda wacho norugare hazvizogumi,+ pachigaro choumambo chaDhavhidhi+ nepaumambo hwake kuti ahusimbise+ kwazvo uye kuti ahutsigire nokururamisira+ uye nokururama,+ kubvira zvino kusvikira nokusingagumi. Kushingaira kwaJehovha wemauto kuchazviita.+

  • Isaya 14:13
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 13 Iwe wakati mumwoyo mako, ‘Ndichakwira kumatenga.+ Ndichakwidza chigaro changu choumambo+ pamusoro penyeredzi+ dzaMwari, uye ndichagara pasi pagomo rokusanganira,+ kumativi ari kure kwazvo okuchamhembe.+

  • Jeremiya 23:5
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 5 “Tarira! Mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichamutsira Dhavhidhi nhungirwa yakarurama.+ Mambo achatonga+ oita nokungwara uye oruramisira nokuita zvakarurama munyika yacho.+

  • Ezekieri 21:27
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 27 Dongo, dongo, ndichariita dongo.+ Kana zviri izviwo, hazvizovi zvomunhu chero upi zvake kusvikira ane kodzero yepamutemo asvika,+ uye ndichamupa izvozvo.’+

  • 2 Petro 1:19
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 19 Naizvozvo tine shoko rouprofita+ rakaitwa kuti rive rechokwadi kwazvo;+ uye muri kuita zvakanaka kuriteerera serambi+ rinopenya munzvimbo ine rima, imo mumwoyo menyu, kusvikira ava mambakwedza uye nyamasase+ ichibuda.

  • Zvakazarurwa 22:16
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 16 “‘Ini, Jesu, ndakatuma ngirozi yangu kuti ikupupurirei pamusoro pezvinhu izvi nokuda kweungano. Ndini mudzi+ nomwana+ waDhavhidhi, uye nyamasase.’”+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe