RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 3:15
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 15 Mwari akabva atizve kuna Mosesi:

      “Uti kuvanakomana vaIsraeri, ‘Jehovha, Mwari wemadzitateguru enyu, Mwari waAbrahamu,+ Mwari waIsaka+ naMwari waJakobho,+ andituma kwamuri.’ Iri ndiro zita rangu nokusingagumi,+ uye ndiro randichayeukwa naro kusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa.+

  • Eksodho 6:3
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 3 Ndaimbozviratidza kuna Abrahamu,+ Isaka+ naJakobho+ saMwari Wemasimbaose,+ asi handina kuzvizivisa+ kwavari nezita rangu rokuti Jehovha.+

  • Eksodho 20:2
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 2 “Ndini Jehovha Mwari wako,+ akakubudisa munyika yeIjipiti, muimba yevaranda.+

  • Pisarema 83:18
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 18 Kuti vanhu vazive+ kuti imi, mune zita rokuti Jehovha,+

      Imi moga ndimi Wokumusorosoro+ kumusoro kwenyika yose.+

  • Pisarema 113:3
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    •  3 Kubvira pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro+

      Zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.+

  • Isaya 42:8
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 8 “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu;+ handizopi kukudzwa kwangu kune mumwe munhu,+ nokurumbidzwa+ kwangu kumifananidzo yakavezwa.+

  • Maraki 2:2
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 2 Kana mukasateerera,+ uye kana mwoyo yenyu ikasava nehanya+ nazvo kuti mukudze zita rangu,”+ Jehovha wemauto adaro, “ndichakutumiraiwo kutukwa,+ uye ndichatuka zvikomborero zvenyu.+ Chokwadi, ndatukawo chikomborero, nokuti mwoyo yenyu haisi kuva nehanya nazvo.”

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe