Hosiya 1:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 “Zvino vanakomana vaIsraeri vachawanda sejecha regungwa risingagoni kuyerwa kana kuverengwa.+ Munzvimbo mavaimbonzi, ‘Hamusi vanhu vangu,’+ vachanzi, ‘Vanakomana vaMwari mupenyu.’+ Hosiya 2:23 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 23 Ndichamudyara panyika sezvinoitwa mbeu,+ ndichanzwira ngoni iye akanga asina kunzwirwa ngoni,+ ndichati kune vaya vasiri vanhu vangu: “Imi muri vanhu vangu”;+ naivo vachatiwo: “Imi muri Mwari wedu.”’”+ VaRoma 9:25 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 25 Zvakaita sokutaurawo kwaanoita mubhuku raHosiya, kuti: “Vaya vasiri vanhu vangu+ ndichavadana kuti ‘vanhu vangu,’ uye iye akanga asingadiwi ndichamudana kuti ‘anodiwa’;+ VaRoma 11:11 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 11 Naizvozvo ndinobvunza kuti, Vakagumburwa zvokuti vakawa+ zvachose here? Izvozvo ngazvirege kumboitika! Asi vanhu vemamwe marudzi+ vanowana ruponeso nokuda kwokudarika+ kwavo, kuti vaite kuti vave negodo.+ 1 Petro 2:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Nokuti maimbova musiri rudzi, asi zvino mava rudzi rwaMwari;+ maiva vaya vakanga vasina kunzwirwa ngoni, asi zvino mava vaya vakanzwirwa ngoni.+
10 “Zvino vanakomana vaIsraeri vachawanda sejecha regungwa risingagoni kuyerwa kana kuverengwa.+ Munzvimbo mavaimbonzi, ‘Hamusi vanhu vangu,’+ vachanzi, ‘Vanakomana vaMwari mupenyu.’+
23 Ndichamudyara panyika sezvinoitwa mbeu,+ ndichanzwira ngoni iye akanga asina kunzwirwa ngoni,+ ndichati kune vaya vasiri vanhu vangu: “Imi muri vanhu vangu”;+ naivo vachatiwo: “Imi muri Mwari wedu.”’”+
25 Zvakaita sokutaurawo kwaanoita mubhuku raHosiya, kuti: “Vaya vasiri vanhu vangu+ ndichavadana kuti ‘vanhu vangu,’ uye iye akanga asingadiwi ndichamudana kuti ‘anodiwa’;+
11 Naizvozvo ndinobvunza kuti, Vakagumburwa zvokuti vakawa+ zvachose here? Izvozvo ngazvirege kumboitika! Asi vanhu vemamwe marudzi+ vanowana ruponeso nokuda kwokudarika+ kwavo, kuti vaite kuti vave negodo.+
10 Nokuti maimbova musiri rudzi, asi zvino mava rudzi rwaMwari;+ maiva vaya vakanga vasina kunzwirwa ngoni, asi zvino mava vaya vakanzwirwa ngoni.+