Numeri 18:24 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 24 Nokuti chegumi chevanakomana vaIsraeri, chavachapa Jehovha kuti chive mupiro, ndachipa vaRevhi kuti ive nhaka yavo. Ndokusaka ndati kwavari, ‘Havafaniri kuwana nhaka pakati pevanakomana vaIsraeri.’”+ Dheuteronomi 10:9 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 9 Ndokusaka Revhi asina kuva nomugove nenhaka+ pamwe chete nehama dzake. Jehovha ndiye nhaka yake, sezvakataurwa naJehovha Mwari wako kwaari.+ Dheuteronomi 14:29 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 29 Uye muRevhi,+ nokuti haana nhaka kana mugove pamwe chete newe, nomutorwa+ nenherera nechirikadzi,+ vari mukati memagedhi ako, ngavauye, ngavadye vagute; kuti Jehovha Mwari wako akukomborere+ mumabasa ose+ oruoko rwako auchaita. Joshua 13:14 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 14 Dzinza revaRevhi chete ndiro raasina kupa nhaka.+ Zvinopiwa zvinopiswa nomoto+ zvaJehovha Mwari waIsraeri ndiyo nhaka yavo,+ sezvaakavapikira.+
24 Nokuti chegumi chevanakomana vaIsraeri, chavachapa Jehovha kuti chive mupiro, ndachipa vaRevhi kuti ive nhaka yavo. Ndokusaka ndati kwavari, ‘Havafaniri kuwana nhaka pakati pevanakomana vaIsraeri.’”+
9 Ndokusaka Revhi asina kuva nomugove nenhaka+ pamwe chete nehama dzake. Jehovha ndiye nhaka yake, sezvakataurwa naJehovha Mwari wako kwaari.+
29 Uye muRevhi,+ nokuti haana nhaka kana mugove pamwe chete newe, nomutorwa+ nenherera nechirikadzi,+ vari mukati memagedhi ako, ngavauye, ngavadye vagute; kuti Jehovha Mwari wako akukomborere+ mumabasa ose+ oruoko rwako auchaita.
14 Dzinza revaRevhi chete ndiro raasina kupa nhaka.+ Zvinopiwa zvinopiswa nomoto+ zvaJehovha Mwari waIsraeri ndiyo nhaka yavo,+ sezvaakavapikira.+