Eksodho 13:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Mosesi akati kuvanhu: “Yeukai zuva iri ramakabuda muIjipiti,+ muimba yevaranda, nokuti Jehovha akakubudisai muno noruoko rune simba.+ Naizvozvo hapana chinhu chine mbiriso chingadyiwa.+ Revhitiko 23:6 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 6 “‘Pazuva rechigumi nemashanu romwedzi uyu ndipo pane mutambo wemakeke asina kuviriswa unoitirwa Jehovha.+ Munofanira kudya makeke asina kuviriswa kwemazuva manomwe.+ Numeri 28:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 Pazuva rechigumi nemashanu romwedzi uyu pachava nomutambo. Makeke asina kuviriswa achadyiwa kwemazuva manomwe.+ 1 VaKorinde 5:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 Naizvozvo ngatichengete mutambo,+ kwete nembiriso yekare,+ kana nembiriso+ youshati nouipi,+ asi nemakeke asina kuviriswa okutendeseka nechokwadi.+
3 Mosesi akati kuvanhu: “Yeukai zuva iri ramakabuda muIjipiti,+ muimba yevaranda, nokuti Jehovha akakubudisai muno noruoko rune simba.+ Naizvozvo hapana chinhu chine mbiriso chingadyiwa.+
6 “‘Pazuva rechigumi nemashanu romwedzi uyu ndipo pane mutambo wemakeke asina kuviriswa unoitirwa Jehovha.+ Munofanira kudya makeke asina kuviriswa kwemazuva manomwe.+
17 Pazuva rechigumi nemashanu romwedzi uyu pachava nomutambo. Makeke asina kuviriswa achadyiwa kwemazuva manomwe.+
8 Naizvozvo ngatichengete mutambo,+ kwete nembiriso yekare,+ kana nembiriso+ youshati nouipi,+ asi nemakeke asina kuviriswa okutendeseka nechokwadi.+