Eksodho 3:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 Ndichaburuka kuti ndivanunure pamaoko evaIjipiti+ uye kuti ndivabudise munyika iyoyo kuti ndivaendese kunyika yakanaka uye yakakura, kunyika inoyerera mukaka nouchi,+ kunharaunda yevaKenani nevaHiti nevaAmori nevaPerizi nevaHivhi nevaJebhusi.+ Numeri 13:27 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 27 Vakamuudza kuti: “Takapinda munyika yamakatituma, chokwadi inoyerera mukaka nouchi,+ izvi ndizvo zvibereko zvayo.+ Dheuteronomi 27:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Unofanira kunyora paari mashoko ose omutemo+ uyu paunenge wayambuka,+ kuti upinde munyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako, nyika inoyerera mukaka nouchi, maererano nezvawakataurirwa naJehovha Mwari wemadzitateguru ako.+ Ezekieri 20:6 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 6 Pazuva iroro ndakasimudza ruoko rwangu+ ndichipika kuti ndivabudise munyika yeIjipiti ndivaendese kunyika yandakanga ndasora nokuda kwavo, nyika inoyerera mukaka nouchi.+ Yakanga iri kushongedzwa kwenyika dzose.+
8 Ndichaburuka kuti ndivanunure pamaoko evaIjipiti+ uye kuti ndivabudise munyika iyoyo kuti ndivaendese kunyika yakanaka uye yakakura, kunyika inoyerera mukaka nouchi,+ kunharaunda yevaKenani nevaHiti nevaAmori nevaPerizi nevaHivhi nevaJebhusi.+
27 Vakamuudza kuti: “Takapinda munyika yamakatituma, chokwadi inoyerera mukaka nouchi,+ izvi ndizvo zvibereko zvayo.+
3 Unofanira kunyora paari mashoko ose omutemo+ uyu paunenge wayambuka,+ kuti upinde munyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako, nyika inoyerera mukaka nouchi, maererano nezvawakataurirwa naJehovha Mwari wemadzitateguru ako.+
6 Pazuva iroro ndakasimudza ruoko rwangu+ ndichipika kuti ndivabudise munyika yeIjipiti ndivaendese kunyika yandakanga ndasora nokuda kwavo, nyika inoyerera mukaka nouchi.+ Yakanga iri kushongedzwa kwenyika dzose.+