16 Dhavhidhi paakatarira, akaona ngirozi yaJehovha+ yakamira pakati penyika nematenga, muruoko rwayo muine bakatwa rayo rakanga rakavhomorwa+ rakatambanudzirwa kuJerusarema; uye Dhavhidhi nevarume vakuru, vakapfeka masaga,+ vakabva vawira pasi nezviso zvavo.+