Eksodho 15:11 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 11 Haiwa Jehovha, ndiani akafanana nemi pakati pavanamwari?+Ndiani akafanana nemi, mutsvene zvikuru kwazvo?+Iye anofanira kutyiwa+ nenziyo dzokurumbidza,+ Iye anoita zvishamiso.+ Dheuteronomi 3:24 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 24 ‘Haiwa Changamire Ishe Jehovha, imi ndimi makatanga kuita kuti mushumiri wenyu aone ukuru+ hwenyu noruoko rwenyu rune simba,+ nokuti ndiani mwari ari kumatenga kana kuti ari panyika, anoita mabasa akaita seenyu nezvinhu zvesimba zvakaita sezvenyu?+ Dheuteronomi 4:35 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 35 Iwe—wakaratidzwa, kuti uzive kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi;+ hakuna mumwe kunze kwake.+ Pisarema 73:25 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 25 Ndiani wandinaye mumatenga?+Handina chimwe chandinofarira panyika kunze kwenyu.+ Pisarema 86:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 Pakati pavanamwari hapana akaita semi, haiwa Jehovha,+Uyewo hapana mabasa akaita seenyu.+ Pisarema 89:6 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 6 Nokuti ndiani ari kumatenga angaenzaniswa naJehovha?+Ndiani angafanana naJehovha pakati pevanakomana vaMwari?+
11 Haiwa Jehovha, ndiani akafanana nemi pakati pavanamwari?+Ndiani akafanana nemi, mutsvene zvikuru kwazvo?+Iye anofanira kutyiwa+ nenziyo dzokurumbidza,+ Iye anoita zvishamiso.+
24 ‘Haiwa Changamire Ishe Jehovha, imi ndimi makatanga kuita kuti mushumiri wenyu aone ukuru+ hwenyu noruoko rwenyu rune simba,+ nokuti ndiani mwari ari kumatenga kana kuti ari panyika, anoita mabasa akaita seenyu nezvinhu zvesimba zvakaita sezvenyu?+
6 Nokuti ndiani ari kumatenga angaenzaniswa naJehovha?+Ndiani angafanana naJehovha pakati pevanakomana vaMwari?+