2 Samueri 7:12 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 12 Mazuva ako paanokwana,+ paucharara nemadzitateguru ako,+ ndichamutsa mwana wako anokutevera, achabuda mukati mako; uye chokwadi ndichasimbisa umambo hwake kwazvo.+ 1 Makoronike 17:14 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 14 Ndichaita kuti arambe ari mumba mangu+ nomuumambo hwangu+ nokusingagumi, uye chigaro chake choumambo+ chichagara nokusingagumi.”’” Pisarema 45:6 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 6 Mwari ndiye chigaro chako choumambo nokusingagumi, kunyange nokusingaperi;+Tsvimbo youmambo hwako itsvimbo yokururama.+ Pisarema 89:36 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 36 Mwana wake achagara nokusingagumi,+Uye chigaro chake choumambo chichaita sezuva pamberi pangu.+ Dhanieri 2:44 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 44 “Zvino mumazuva emadzimambo iwayo,+ Mwari wokudenga+ achamutsa umambo+ husingazomboparadzwi.+ Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu.+ Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu,+ uye ihwo huchamira nokusingagumi;+ VaHebheru 1:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 Asi kana achitaura nezvoMwanakomana anoti: “Mwari ndiye chigaro chako choumambo nokusingaperi-peri,+ uye tsvimbo youmambo+ hwako itsvimbo yokururama.+ Zvakazarurwa 11:15 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 15 Ngirozi yechinomwe yakaridza bhosvo rayo.+ Manzwi makuru akanzwika kudenga, achiti: “Umambo hwenyika hwava umambo hwaShe+ wedu nohwaKristu+ wake, uye Iye achatonga samambo nokusingaperi-peri.”+
12 Mazuva ako paanokwana,+ paucharara nemadzitateguru ako,+ ndichamutsa mwana wako anokutevera, achabuda mukati mako; uye chokwadi ndichasimbisa umambo hwake kwazvo.+
14 Ndichaita kuti arambe ari mumba mangu+ nomuumambo hwangu+ nokusingagumi, uye chigaro chake choumambo+ chichagara nokusingagumi.”’”
6 Mwari ndiye chigaro chako choumambo nokusingagumi, kunyange nokusingaperi;+Tsvimbo youmambo hwako itsvimbo yokururama.+
44 “Zvino mumazuva emadzimambo iwayo,+ Mwari wokudenga+ achamutsa umambo+ husingazomboparadzwi.+ Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu.+ Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu,+ uye ihwo huchamira nokusingagumi;+
8 Asi kana achitaura nezvoMwanakomana anoti: “Mwari ndiye chigaro chako choumambo nokusingaperi-peri,+ uye tsvimbo youmambo+ hwako itsvimbo yokururama.+
15 Ngirozi yechinomwe yakaridza bhosvo rayo.+ Manzwi makuru akanzwika kudenga, achiti: “Umambo hwenyika hwava umambo hwaShe+ wedu nohwaKristu+ wake, uye Iye achatonga samambo nokusingaperi-peri.”+