Pisarema 113:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Jehovha ava pamusoro pemarudzi ose;+Kubwinya kwake kuri pamusoro pematenga.+ Pisarema 148:13 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 13 Zvose ngazvirumbidze zita raJehovha,+Nokuti zita rake roga ndiro riri kumusoro kusingasvikiki.+Kukudzwa kwake kuri kumusoro kwenyika nedenga.+ Jeremiya 23:24 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 24 “Kana kuti pane murume angavanda munzvimbo dzakavandika ini ndikasamuona here?”+ ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ini handizadzi matenga nenyika here?”+ ndizvo zvinotaura Jehovha. Mabasa 7:49 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 49 ‘Denga ndicho chigaro changu choumambo,+ uye nyika ndicho chitsiko chetsoka dzangu.+ Imba yakadini yamungandivakira? Jehovha anodaro. Kana kuti nzvimbo yangu yokuzororera iri kupi?+
13 Zvose ngazvirumbidze zita raJehovha,+Nokuti zita rake roga ndiro riri kumusoro kusingasvikiki.+Kukudzwa kwake kuri kumusoro kwenyika nedenga.+
24 “Kana kuti pane murume angavanda munzvimbo dzakavandika ini ndikasamuona here?”+ ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ini handizadzi matenga nenyika here?”+ ndizvo zvinotaura Jehovha.
49 ‘Denga ndicho chigaro changu choumambo,+ uye nyika ndicho chitsiko chetsoka dzangu.+ Imba yakadini yamungandivakira? Jehovha anodaro. Kana kuti nzvimbo yangu yokuzororera iri kupi?+