33 Hezekiya akazorara nemadzitateguru ake,+ vakamuviga pamukwidza unoenda kunzvimbo yemakuva evanakomana vaDhavhidhi;+ uye vaJudha vose nevagari vomuJerusarema vakamukudza pakufa kwake.+ Zvino mwanakomana wake Manase+ akatanga kutonga panzvimbo pake.