RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 9:21
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 21 Ndakatora chivi chenyu chamakanga maita, iyo mhuru+ yacho, ndikaipisa mumoto ndokuipwanya, ndikaikuya-kuya kusvikira yatsetseka seguruva; ndichibva ndazokanda guruva rayo mumupata waiva norukova waiburuka uchibva mugomo.+

  • Dheuteronomi 31:29
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 29 Nokuti ndinonyatsoziva kuti kana ndafa chokwadi muchaita zvakaipa,+ uye muchatsauka panzira yandakakurayirai; uye muchawirwa nedambudziko+ panopera mazuva acho, nokuti muchaita zvakaipa pamberi paJehovha kuti mumugumbure nemabasa emaoko enyu.”+

  • Vatongi 2:13
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 13 Nokudaro vakasiya Jehovha, vakashumira Bhaari nemifananidzo yaAshtoreti.+

  • Pisarema 106:36
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 36 Vakaramba vachishumira zvidhori zvawo,+

      Izvi zvikava musungo kwavari.+

  • Ezekieri 20:4
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 4 “Uchavatonga here? Uchavatonga here, haiwa iwe mwanakomana womunhu?+ Ita kuti vazive zvinhu zvinosemesa zvemadzitateguru avo.+

  • Mabasa 7:53
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 53 imi makagamuchira Mutemo wakapiwa nokungirozi+ asi hamuna kuuchengeta.”

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe