RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 9:6
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 6 Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwa nomunhu,+ nokuti Mwari akaita munhu nomufananidzo wake.

  • Numeri 35:33
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 33 “‘Musasvibisa nyika yamugere; nokuti ropa ndiro rinosvibisa nyika,+ uye nyika haingayananisirwi pamusoro peropa rakateurirwa pairi kunze kwokushandisa ropa romunhu anoriteura.+

  • 2 Madzimambo 24:4
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 4 uyewo nokuda kweropa risina mhosva+ raakanga ateura, zvokuti akazadza Jerusarema neropa risina mhosva, uye Jehovha akaramba kumukanganwira.+

  • Zvirevo 6:17
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 17 maziso anozvikudza,+ rurimi runoreva nhema,+ maoko anoteura ropa risina mhosva,+

  • Isaya 59:3
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 3 Nokuti zvanza zvenyu zvakasvibiswa neropa,+ uye zvigunwe zvenyu nokukanganisa. Miromo yenyu yakataura nhema.+ Rurimi rwenyu rwakaramba ruchigunun’una zvisina kururama.+

  • Jeremiya 2:34
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 34 Uyewo, kumupendero wenguo yako kwakawanikwa mavara eropa remweya+ yevarombo vasina mhosva.+ Handina kuvawana vachipaza, asi iwo ari pamipendero iyi yose.+

  • Mateu 23:30
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 30 uye munoti, ‘Kudai takanga tiri mumazuva emadzitateguru edu, tingadai tisina kubatsirana navo pamhosva yeropa revaprofita.’+

  • VaHebheru 11:37
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 37 Vakatemwa nematombo,+ vakaedzwa,+ vakachekwa nepakati, vakafa+ vachiurayiwa nebakatwa, vakafamba vakapfeka matehwe emakwai,+ vakapfeka matehwe embudzi, vachishayiwa,+ vachitambudzika,+ vachiitirwa zvakaipa;+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe