Pisarema 115:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Zvidhori zvavo isirivha nendarama,+Iro basa remaoko omunhu wepanyika.+ Isaya 2:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 Nyika yavo yakazara navanamwari vasina zvavanobatsira.+ Vanokotamira basa remaoko avo, chinhu chakaitwa neminwe yavo.+ Isaya 44:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 Asi wasara wawo anougadzira kuti uve mwari, mufananidzo wake wakavezwa. Anougwadamira uye anokotama onyengetera kwauri oti: “Ndinunurei, nokuti ndimi mwari wangu.”+ Mika 5:13 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 13 Ndichaparadza mifananidzo yako yakavezwa neshongwe dzako dziri pakati pako, uye hauzokotamirizve basa remaoko ako.+
8 Nyika yavo yakazara navanamwari vasina zvavanobatsira.+ Vanokotamira basa remaoko avo, chinhu chakaitwa neminwe yavo.+
17 Asi wasara wawo anougadzira kuti uve mwari, mufananidzo wake wakavezwa. Anougwadamira uye anokotama onyengetera kwauri oti: “Ndinunurei, nokuti ndimi mwari wangu.”+
13 Ndichaparadza mifananidzo yako yakavezwa neshongwe dzako dziri pakati pako, uye hauzokotamirizve basa remaoko ako.+