2 Madzimambo 21:2 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 2 Akaita zvakaipa+ pamberi paJehovha, maererano nezvinhu zvinosemesa zvemarudzi+ akanga adzingwa naJehovha pamberi pevanakomana vaIsraeri. 2 Madzimambo 21:11 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 11 “Manase+ mambo waJudha zvaakaita zvinhu izvi zvinosemesa,+ iye akaita zvakaipa kupfuura zvose zvakaitwa nevaAmori+ vakamutangira, akatadzisawo+ Judha nezvidhori zvake zvaisemesa sendove. 2 Madzimambo 23:26 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 26 Kunyange zvakadaro, Jehovha haana kudzora kutsamwa kwake kukuru, iko kutsamwa kwake kukuru kwaakaitira Judha+ nokuda kwezvinhu zvose zvinotsamwisa izvo Manase akanga aita kuti vamugumbure nazvo.+
2 Akaita zvakaipa+ pamberi paJehovha, maererano nezvinhu zvinosemesa zvemarudzi+ akanga adzingwa naJehovha pamberi pevanakomana vaIsraeri.
11 “Manase+ mambo waJudha zvaakaita zvinhu izvi zvinosemesa,+ iye akaita zvakaipa kupfuura zvose zvakaitwa nevaAmori+ vakamutangira, akatadzisawo+ Judha nezvidhori zvake zvaisemesa sendove.
26 Kunyange zvakadaro, Jehovha haana kudzora kutsamwa kwake kukuru, iko kutsamwa kwake kukuru kwaakaitira Judha+ nokuda kwezvinhu zvose zvinotsamwisa izvo Manase akanga aita kuti vamugumbure nazvo.+