1 Samueri 16:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Asi Jehovha akati kuna Samueri: “Usatarira chitarisiko chake nourefu hwake,+ nokuti ndamuramba. Nokuti maonero anoita munhu haasiwo maonero anoita Mwari,+ nokuti munhuwo zvake anoona zvinooneka nemaziso;+ asi Jehovha, anoona zvakaita mwoyo.”+ 1 Makoronike 29:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 Haiwa Mwari wangu, ndinonyatsoziva kuti ndimi muongorori womwoyo,+ uye kuti munofarira kururama.+ Ini ndapa zvinhu zvose izvi nokuzvidira kwangu nomwoyo wangu wakarurama, uye ndafara kuona vanhu venyu vari pano vachikupai nokuzvidira. Zvirevo 17:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Hari yokunatsira ndeyesirivha uye vira nderendarama,+ asi Jehovha ndiye muongorori wemwoyo.+ Zvakazarurwa 2:23 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 23 Ndichauraya vana vake nedenda rinouraya, zvokuti ungano dzose dzichaziva kuti ndini iye anoongorora itsvo nomwoyo, uye ndichapa munhu mumwe nomumwe maererano nemabasa enyu.+
7 Asi Jehovha akati kuna Samueri: “Usatarira chitarisiko chake nourefu hwake,+ nokuti ndamuramba. Nokuti maonero anoita munhu haasiwo maonero anoita Mwari,+ nokuti munhuwo zvake anoona zvinooneka nemaziso;+ asi Jehovha, anoona zvakaita mwoyo.”+
17 Haiwa Mwari wangu, ndinonyatsoziva kuti ndimi muongorori womwoyo,+ uye kuti munofarira kururama.+ Ini ndapa zvinhu zvose izvi nokuzvidira kwangu nomwoyo wangu wakarurama, uye ndafara kuona vanhu venyu vari pano vachikupai nokuzvidira.
23 Ndichauraya vana vake nedenda rinouraya, zvokuti ungano dzose dzichaziva kuti ndini iye anoongorora itsvo nomwoyo, uye ndichapa munhu mumwe nomumwe maererano nemabasa enyu.+