25 Pavakamusiya (nokuti vakamusiya aine hosha dzakawanda),+ vashandi vake vakamumukira+ nokuda kweropa+ revanakomana vomupristi Jehoyadha;+ uye vakamuurayira pamubhedha wake, zvokuti akafa.+ Vakabva vamuviga muGuta raDhavhidhi,+ asi havana kumuviga munzvimbo yemakuva emadzimambo.+