14 Zvino Jehovha akamutsa mwoyo+ waZerubhabheri mwanakomana waSheatiyeri, gavhuna waJudha, nomwoyo waJoshua+ mwanakomana womupristi mukuru Jehozadhaki, nemwoyo yevanhu vose vakanga vasara; uye vakatanga kupinda, vakashanda muimba yaJehovha wemauto Mwari wavo.+