15 Zvino vanakomana vaIsraeri vakatanga kushevedzera kuna Jehovha kuti vabatsirwe.+ Naizvozvo Jehovha akavamutsira muponesi, Ehudhi+ mwanakomana waGera, muBhenjamini,+ murume aishandisa ruboshwe.+ Kwapera nguva yakati, vanakomana vaIsraeri vakatumira Egroni mambo weMoabhi muripo noruoko rwake.