2 Vashandi vose vamambo vaiva pagedhi ramambo+ vaikotama nokugwadamira Hamani, nokuti mambo akanga arayira kudaro pamusoro pake. Asi kana ari Modhekai, aisakotama kana kugwadama.+
4 Gare gare mambo akati: “Ndiani ari pachivanze?” Zvino Hamani akanga asvika pachivanze chokunze+ cheimba yamambo kuti ataurire mambo kuti aturike Modhekai padanda+ raakanga amugadzirira.