Dheuteronomi 4:20 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 20 Asi imi ndimi makatorwa naJehovha kuti akubudisei muvira resimbi,+ muIjipiti, kuti muve rudzi rwake pachake+ sezvazvakaita nhasi. Dheuteronomi 32:9 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 9 Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake;+Jakobho ndiye mugove wake waanogara nhaka.+ Pisarema 33:12 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 12 Runofara rudzi runa Mwari warwo anonzi Jehovha,+Ivo vanhu vaakasarudza kuti vave nhaka yake.+ Jeremiya 10:16 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 16 Mugove waJakobho+ hauna kuita sezvinhu izvi, nokuti iye ndiye Muumbi wezvinhu zvose,+ uye Israeri ndiye mudonzvo wenhaka yake.+ Jehovha wemauto ndiro zita rake.+ Mika 7:14 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 14 Fudzai vanhu venyu nomudonzvo wenyu,+ iwo makwai enhaka yenyu, iya yaigara yoga musango—pakati pomunda wemichero.+ Ngavafure muBhashani neGiriyedhi+ somumazuva ekare kare.+
20 Asi imi ndimi makatorwa naJehovha kuti akubudisei muvira resimbi,+ muIjipiti, kuti muve rudzi rwake pachake+ sezvazvakaita nhasi.
16 Mugove waJakobho+ hauna kuita sezvinhu izvi, nokuti iye ndiye Muumbi wezvinhu zvose,+ uye Israeri ndiye mudonzvo wenhaka yake.+ Jehovha wemauto ndiro zita rake.+
14 Fudzai vanhu venyu nomudonzvo wenyu,+ iwo makwai enhaka yenyu, iya yaigara yoga musango—pakati pomunda wemichero.+ Ngavafure muBhashani neGiriyedhi+ somumazuva ekare kare.+