RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 15:11
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 11 Haiwa Jehovha, ndiani akafanana nemi pakati pavanamwari?+

      Ndiani akafanana nemi, mutsvene zvikuru kwazvo?+

      Iye anofanira kutyiwa+ nenziyo dzokurumbidza,+ Iye anoita zvishamiso.+

  • Pisarema 40:5
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    •  5 Imi makaita zvinhu zvizhinji,+

      Haiwa Jehovha Mwari wangu, iwo mabasa enyu anoshamisa nepfungwa dzenyu kwatiri;+

      Hapana angaenzaniswa nemi.+

      Kudai ndaida kuzvizivisa nokutaura nezvazvo,

      Zvava zvizhinji zvokuti handigoni kuzvirondedzera.+

  • Pisarema 71:19
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 19 Haiwa Mwari, kururama kwenyu kunosvika kumusoro;+

      Pamusoro pezvinhu zvikuru zvamakaita,+

      Haiwa Mwari, ndiani akaita semi?+

  • Pisarema 86:8
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    •  8 Pakati pavanamwari hapana akaita semi, haiwa Jehovha,+

      Uyewo hapana mabasa akaita seenyu.+

  • Pisarema 113:5
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    •  5 Ndiani akaita saJehovha Mwari wedu,+

      Iye anogara pakakwirira?+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe