2 Madzimambo 6:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 Erisha akatanga kunyengetera+ achiti: “Haiwa Jehovha, ndapota svinudzai maziso+ ake kuti aone.” Jehovha akabva asvinudza maziso omushandi wacho zvokuti akaona; uye tarira! nzvimbo yose ine makomo yakanga yakazara mabhiza nengoro dzehondo+ dzomoto zvakapoteredza Erisha.+ Pisarema 34:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Ngirozi yaJehovha inodzika musasa ichikomba vose vanomutya,+Uye inovanunura.+ Mateu 18:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Chenjerai kuti hamuzvidzi mumwe wevaduku ava; nokuti ndinokuudzai kuti ngirozi dzavo+ dziri kudenga dzinogara dzichiona chiso chaBaba vangu vari kudenga.+ Ruka 4:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 nokuti zvakanyorwa kuti, ‘Iye acharayira ngirozi dzake pamusoro pako, kuti dzikuchengetedze,’+
17 Erisha akatanga kunyengetera+ achiti: “Haiwa Jehovha, ndapota svinudzai maziso+ ake kuti aone.” Jehovha akabva asvinudza maziso omushandi wacho zvokuti akaona; uye tarira! nzvimbo yose ine makomo yakanga yakazara mabhiza nengoro dzehondo+ dzomoto zvakapoteredza Erisha.+
10 Chenjerai kuti hamuzvidzi mumwe wevaduku ava; nokuti ndinokuudzai kuti ngirozi dzavo+ dziri kudenga dzinogara dzichiona chiso chaBaba vangu vari kudenga.+