RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 15:26
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 26 Iye akati: “Kana mukanyatsoteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu, muchiita zvakarurama pamberi pake, muchiteerera mirayiro yake nokuchengeta mirau yake yose,+ handizoisi pamuri matenda andakaisa pavaIjipiti;+ nokuti ndini Jehovha, iye ari kukuporesai.”+

  • Dheuteronomi 7:15
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 15 Jehovha achakubvisira zvirwere zvose; uye hosha dzose dzakaipa dzeIjipiti dzaunoziva,+ haazodziisi pauri, asi achadziisa pane vose vaya vanokuvenga.

  • Pisarema 41:3
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    •  3 Jehovha achamutsigira ari pamubhedha wourwere;+

      Muchachinja mubhedha wake wose munguva yokurwara kwake.+

  • Pisarema 147:3
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    •  3 Anoporesa+ vakaora mwoyo,+

      Uye anosunga panovarwadza.+

  • Isaya 33:24
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 24 Hakuna mugari wemo achati: “Ndiri kurwara.”+ Vanhu vachagara munyika yacho vachava vaya vakaregererwa kukanganisa kwavo.+

  • Jeremiya 17:14
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 14 Haiwa Jehovha, ndiporesei uye ndichapora.+ Ndiponesei, uye ndichaponeswa;+ nokuti ndimi wandinorumbidza.+

  • Jakobho 5:15
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 15 Munyengetero wokutenda uchaporesa murwere,+ uye Jehovha achamumutsa.+ Uyewo, kana akaita zvivi, achakanganwirwa.+

  • Zvakazarurwa 21:4
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 4 Achapukuta misodzi yose+ pamaziso avo, rufu haruchazovipo,+ kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.+ Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe