RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 2:7
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 7 Jehovha Mwari akatanga kuumba munhu neguruva+ revhu+ akafuridzira mumhino dzake mhepo yokufema youpenyu,+ munhu akava mweya mupenyu.+

  • Genesisi 3:19
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 19 Uchadya zvokudya zveziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu, nokuti wakatorwa kwariri.+ Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.”+

  • Genesisi 8:21
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 21 Zvino Jehovha akanzwa kunhuhwirira kwakanaka,+ naizvozvo Jehovha akati mumwoyo make:+ “Handichazotukizve nyika+ nemhosva yomunhu, nokuti zvinodiwa+ nomwoyo womunhu zvakaipa kubvira achiri muduku;+ uye handichazoparadzizve zvinhu zvose zvipenyu sezvandakaita.+

  • Jobho 10:9
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    •  9 Ndapota, yeukai kuti makandiumba nevhu+

      Uye muchaita kuti ndidzokere kuguruva.+

  • Muparidzi 12:7
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 7 Pashure paizvozvo guruva rinodzokera kuivhu+ sezvarakanga rakaita uye simba roupenyu+ rinodzokera kuna Mwari+ wechokwadi akaripa.+

  • Isaya 64:8
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 8 Asi zvino, haiwa Jehovha, imi muri Baba vedu.+ Isu tiri ivhu,+ imi muri Muumbi+ wedu; tose zvedu tiri basa roruoko rwenyu.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe