RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Joshua 5:14
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 14 Iye akati: “Aiwa, asi ini—somukuru weuto raJehovha ndauya zvino.”+ Naizvozvo Joshua akawira pasi nechiso chake+ akagwadama, akati kwaari: “Ishe wangu ari kuti kudiniko kumushandi wake?”

  • 2 Madzimambo 19:35
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 35 Zvino usiku ihwohwo ngirozi yaJehovha yakaenda, ikauraya zviuru zana nemakumi masere nezvishanu mumusasa+ wevaAsiriya.+ Vanhu pavakafumomuka, vakaona vose vava zvitunha.+

  • Pisarema 148:2
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    •  2 Murumbidzei, imi mose ngirozi dzake.+

      Murumbidzei, imi mose uto rake.+

  • Ruka 1:19
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 19 Ichipindura, ngirozi yakati kwaari: “Ndini Gabrieri,+ anomira pamberi paMwari, uye ndatumwa kuzotaura+ newe uye kuzokuzivisa mashoko akanaka ezvinhu izvi.

  • VaHebheru 1:14
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 14 Dzose hadzisi midzimu+ yebasa rinoitirwa vanhu vose,+ yakatumwa kuzoshumira vaya vachagara nhaka+ yoruponeso here?

  • Zvakazarurwa 7:12
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 12 dzichiti: “Ameni! Kurumbidzwa nokukudzwa nouchenjeri nokuonga nokuremekedzwa nesimba+ nemasimba ngazvive kuna Mwari wedu nokusingaperi-peri. Ameni.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe