RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 11:11
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 11 Asi nyika yamuri kuyambukira kwairi kuti muitore ive yenyu inyika yemakomo nemapani.+ Inonwa mvura yokumatenga;

  • Jobho 38:37
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 37 Ndiani anganyatsoverenga makore nouchenjeri,

      Kana kuti ndiani angadurura zvirongo zvemvura zvokudenga,+

  • Pisarema 147:8
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    •  8 Iye anofukidza matenga nemakore,+

      Iye anogadzirira nyika mvura,+

      Iye anoita kuti uswa hwakasvibirira humere+ pamakomo.

  • Jeremiya 10:13
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 13 Mvura iri kumatenga inotinhira panonzwika inzwi rake,+ uye anokwidza mhute ichibva kumugumo wenyika.+ Akatoita panobuda nemvura inonaya,+ uye anobudisa mhepo mumatura ake.+

  • Amosi 9:6
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 6 “‘Iye anovaka matanho ake mumatenga,+ nechivako chake panyika yaakasimbisa;+ iye anoshevedza mvura yegungwa,+ kuti aidururire panyika+—Jehovha ndiro zita rake.’+

  • Zekariya 10:1
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 10 “Kumbirai Jehovha kuti akunayisirei mvura+ munguva yemvura yokupedzisira,+ iye Jehovha anoita makore anounza dutu,+ anonayisa mvura zhinji pavari,+ anopa mumwe nomumwe zvinomera mumunda.+

  • Mateu 5:45
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 45 kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kumatenga,+ nokuti vanoita kuti zuva ravo ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye vachiita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.+

  • Mabasa 14:17
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 17 chokwadi, kunyange zvazvo asina kurega kuzvipupurira pakuti akaita zvakanaka,+ achikupai mvura+ inobva kudenga nemwaka inobereka zvibereko, achizadza mwoyo yenyu kwazvo nezvokudya nomufaro.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe