RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 34:6
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 6 Jehovha akapfuura nepamberi pechiso chake achizivisa kuti: “Jehovha, Jehovha, Mwari ane ngoni+ nenyasha,+ anononoka kutsamwa+ uye azere nomutsa worudo,+ nechokwadi,+

  • Numeri 14:18
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 18 ‘Jehovha, anononoka kutsamwa+ uye azere nomutsa worudo,+ anoregerera kukanganisa nokudarika,+ asi asingazomboregi kuranga,+ anoranga vanakomana nokuda kwokukanganisa kwemadzibaba kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechizvarwa chechina.’+

  • Dheuteronomi 32:36
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 36 Nokuti Jehovha achatonga vanhu vake+

      Uye achazvidemba pamusoro pevashumiri vake,+

      Nokuti achaona kuti hapasisina chinotsigira

      Uye panongova nomunhu asina mubatsiri uye asina zvaanobatsira.

  • Vatongi 2:18
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 18 Jehovha paaivamutsira vatongi,+ Jehovha aiva nomutongi wacho, uye aivaponesa paruoko rwevavengi vavo mazuva ose omutongi wacho; nokuti Jehovha aizvidemba+ nokuti vaigomera nokuda kwevadzvinyiriri+ vavo nevaya vaivanetsa.

  • 2 Samueri 24:16
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 16 Ngirozi+ yakaramba yakatambanudzira ruoko rwayo kuJerusarema kuti iriparadze; Jehovha akatanga kuzvidemba+ pamusoro pedambudziko racho, naizvozvo akati kungirozi yakanga ichiparadza vanhu: “Zvakwana! Chidzikisa ruoko rwako.” Ngirozi yaJehovha yaiva pedyo neburiro raArauna+ muJebhusi.+

  • Pisarema 51:1
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 51 Ndinzwirei nyasha, haiwa Mwari, maererano nomutsa wenyu worudo.+

      Dzimai kudarika kwangu maererano nokuwanda kwengoni dzenyu.+

  • Pisarema 69:16
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 16 Ndipindurei, haiwa Jehovha, nokuti mutsa wenyu worudo wakanaka.+

      Tendeukirai kwandiri maererano nokuwanda kwengoni dzenyu,+

  • Pisarema 86:15
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 15 Asi imi, haiwa Jehovha, muri Mwari ane ngoni neane nyasha,+

      Anononoka kutsamwa+ uye azere nomutsa worudo nechokwadi.+

  • Pisarema 90:13
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 13 Dzokai, haiwa Jehovha!+ Zvichasvika riniko?+

      Zvidembei pamusoro pevashumiri venyu.+

  • Isaya 63:7
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 7 Ndichataura nezvomutsa worudo waJehovha,+ kurumbidzwa kwaJehovha, maererano nezvose zvatakaitirwa naJehovha,+ kunyange zvakanaka zvakawanda zvaakaitira imba yaIsraeri+ zvaakavaitira maererano nengoni+ dzake uye maererano noukuru hwomutsa wake worudo.

  • Mariro 3:32
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 32 Nokuti kunyange akashungurudza,+ achanzwirawo ngoni maererano nokuwanda kwomutsa wake worudo.+

  • Joeri 2:13
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 13 Bvarurai mwoyo yenyu,+ kwete nguo dzenyu;+ uye dzokai kuna Jehovha Mwari wenyu, nokuti iye ane nyasha nengoni,+ anononoka kutsamwa,+ azere nomutsa worudo,+ uye achazvidemba pamusoro pedambudziko racho.+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe