36 Zvino nenguva+ inokwira chinopiwa chezviyo, muprofita Eriya akatanga kuswedera pedyo ndokuti: “Haiwa Jehovha, Mwari waAbrahamu,+ Isaka+ naIsraeri,+ nhasi ngazvizivikanwe kuti muri Mwari pakati paIsraeri,+ kuti ndiri mushumiri wenyu uye kuti ndaita zvinhu zvose izvi maererano neshoko renyu.+