RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mako 12:36
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 36 Nomudzimu mutsvene+ Dhavhidhi akati, ‘Jehovha akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.”’+

  • Mabasa 2:34
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 34 Chokwadi Dhavhidhi haana kukwira kumatenga,+ asi iye anoti, ‘Jehovha akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi,+

  • Mabasa 7:56
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 56 akati: “Tarirai! Ndinoona matenga akavhurika+ uye Mwanakomana womunhu+ amire kuruoko rworudyi rwaMwari.”+

  • VaRoma 8:34
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 34 Ndiani achapa mhosva? Kristu Jesu ndiye akafa, chokwadi, uya akamutswa kubva kuvakafa, ari kuruoko rworudyi+ rwaMwari, uye anotiteterererawo.+

  • VaEfeso 1:20
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 20 kwaakashandisa muna Kristu paakamumutsa kubva kuvakafa,+ akamugarisa kuruoko rwake rworudyi+ munzvimbo dzokudenga,+

  • VaKorose 3:1
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 3 Zvisinei, kana makamutswa+ pamwe chete naKristu, rambai muchitsvaka zvinhu zviri kumusoro,+ uko Kristu agere kuruoko rworudyi rwaMwari.+

  • VaHebheru 1:3
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 3 Iye ndiye kuratidzwa kwokubwinya kwaMwari+ nomufananidzo wake chaiwo,+ uye iye anotsigira zvinhu zvose neshoko rake rine simba;+ uye pashure pokunge anatsa zvivi+ zvedu akagara kuruoko rworudyi+ rwaChangamire munzvimbo dzakakwirira.+

  • VaHebheru 8:1
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 8 Zvino pazvinhu zviri kutaurwa, shoko guru ndeiri: Tine mupristi mukuru+ akaita souyu, uye akagara kurudyi rwechigaro choumambo chaChangamire kumatenga,+

  • VaHebheru 10:12
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 12 Asi munhu uyu akapa chibayiro chimwe chete nokuda kwezvivi nokusingaperi,+ akagara kuruoko rworudyi rwaMwari,+

  • VaHebheru 12:2
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 2 sezvatinoramba takatarira Mumiririri Mukuru+ uye Mukwanisi wokutenda kwedu,+ iye Jesu. Iye akatsungirira+ padanda rokutambudzikira nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, asina hanya nokunyadziswa, uye akagara kuruoko rworudyi rwechigaro choumambo chaMwari.+

  • 1 Petro 3:22
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 22 Iye akaenda kudenga uye iye zvino ari kuruoko rworudyi rwaMwari;+ uye ngirozi+ nevane chiremera nevane masimba zvakaiswa pasi pake naMwari.+

Mabhuku eChiShona (1973-2022)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe